Kodzero yekubatwa neruremekedzo rwakakodzera munhu
Munhu wese ane ruremekedzo rwekuzvarwa narwo mukurarama kwake pachake
ega kana kuti pakati peruzhinji. Ruremekedzo irworwo runofanira kukosheswa
nekuchengetedzwa.
Ruremekedzo urwu runosimbaradzwa chose muBumbiro renyika. Harungovi
kodzero yakamira yega pachayo muchikamunyana 51, asi kutoti ndechimwe
chehwaro kana kuti misimboti wechikamu 3.
Sezvamborehwa kare, kuremekedza munhu ndicho chimwe chezvinhu zvinofanira
kucherechedzwa nedare redzimhosva paya parinoshandisa nekutsanangura
mashandiro eBumbiro remitemo yenyika.
Kodzero yekuchengetedzwa
Munhu wese ane kodzero yekuchengetedzamuviri wake uye kushandisa pfungwa
dzake
sezvaanoda
(asi
zvisingakanganisi
kodzero
dzevamwe).
Izvi
zvinosanganisirara:
kodzero yokusawirwa nemhirizhonga;
kodzero yokusarudza zvaunoda maererano nokuita vana uye
kodzero yokusashandiswa mutsvakurudzo dzezvemishonga kana kubviswa
dzimwe nhengo dzemuviri wako zvisina mvumo yako.
Kodzero yekusarwadziswa kana kubatwa nenzira inodzikisira
chimiro chako semunhu
Munhu haabvumidzwi kurwadziswa pamuviri wake kana mupfungwa.
Haabvumidzwe zvakare kubatwa nenzira inodzikisira chimiro chake
semunhu.
Kodzero yekusaitwa nhapwa kana muranda
Hakuna munhu anokodzera kubatwa senhapwa kana kurambidzwa kuzvisarudzira
zvaanoda kuita kana kuita mararamiro ake aanoda.
Kodzero yekusashanda basa rechibharo
Hapana munhu anofanira kumanikidzwa kuita basa raasina kuzvisarudzira
pachake.
Kubatwa zvakafanana nevamwe vese nekusaitirwa rusaruro
Mutemo unotora vanhu vese sevakafanana uye yane kodzero yekuchengetedzwa
nemutemo. Varume kana vakadzi vane kodzero yekupiwa mikana yakafanana pane
zvese mukurarama kwavo nemunyaya dzematongerwo enyika. Hapana munhu
5