yeZimbabwe. Nekudaro, dzimwe kodzero dziri muChiga cheKodzero dzakanyorwa nenzira yekuti zvido zveruzhinji zvinochengetedzwa uye kuti hazvikanganisi kodzero dzevamwe. 2. Ko dzimwe nyika dzinachowo Chiga cheKodzero here? Nyika zhinji dzinazvowo Zviga zveKodzero izvi mumabumbiro enyika adzo. Izvi zvinonyanyoonekwa munyika dzine mabumbiro azvinozvino dzakaita seSouth Africa neNamibia. 3. Ndedzipi kodzero dziri muChiga cheKodzero? Kodzero dzinochengetedzwa nebumbiro renyika dzakapamhama kusanganisira: dzekugarisana kwevanhu uye zvematongerwo enyika; dzeupfumi, chigarisano uye tsika nemagariro; dzekuumba boka uye dzemamwe mapoka akakosha. Zviri pachena kuti chido chekuchengetedza kodzero, jechetere nehutongi hwakanaka chiripo sezvatinoona muChitsauko 1 chinopa hwaro hwebumbiro, Chitsauko 2 chinopa zvinangwa zvenyika, Chitsauko 3 chinopa kodzero yokuva mugari wemunyika kozoti icho Chiga cheKodzero chatinowana muChitsauko 4 cheBumbiro renyika. Chiga cheKodzero chinokomekedza nyika uye mapazi anoti nhengo dzeparamende, matare edzimhosva nevatunganiriri vakuru venyika nemamwe mapazi ehurumende kuchitevedzera. Chinopawo munhu chaiye uye mapoka – achitorwa semunhu pamutemo (semakambani) - zvavanotarisirwa kuita, zvichienderana nekuti ikodzero ipi yamuri kutaura nezvayo. Vanhu chaivoivo uye mapoka – achitorwa semunhu pamutemo – zvinochengetedzwa ne Chiga cheKodzero ichi. Paanoshandisa nekutsanangura mashandiro eChiga cheKodzero ichi, matare edzimhosva anofanira kucherechedza zvinotevera: • mitemo inobata nyika dzese dzepasi rino pamwe nezviwe zvitenderano zvakabvumiranwa nazvo neZimbabwe; • zvese zviri muBumbiro renyika, kunyanya zvinangwa zvenyika nembiru dzakapiwa muchitsauko 2 uye • zvinokosheswa zvinopa hwaro hwekugara kwejechetere kunopa kuvimbika, hutongi hwakanaka, kuremekedza kukosha kwemunhu, kubata munhu wese zvakafanana uye kusungunuka. Pamusoro pezvo, pakutonga mhosva kwawo, matare edzimhosva anogona kushandisa mitemo yedzimwe nyika yakakodzera. 3

Select target paragraph3