anofanira kuitirwa rusarura nepamusana perudzi, ruvara rweganda,dzinza, kwaakazvarwa, kwaakabva neko, rurimi rwake, chitenderi, chinzvimbo chake mudunhu, bato rematongerwo enyika raari nhengo,mafungiro ake, tsika, magairo, kuva murume kana mukadzi, mamiriro ake maererano newanano kana upfumi, urema, zera, kuzvitakura kana kuti akazvarirwa muwanano here kana kunze kwayo. Hurumende inotarisirwa kuedza pose painogona ichishandisa mitemo nedzimwe nzira dzakakodzera kuona kuti kodzero iyi yekubatwa kwevanhu zvakafanana inotevedzwa. Inofanira zvakare kuona kuti vanhu nemapoka vakamboshaiswa mikana nekuda kwerusarura vanochengetedzwa nemazvo. Uku hakunganzi kukanganisa. Kodzero yekurarama upenyu hwako pasina anokukanganisa Kodzero iyi ine dzimwe kodzero mukati dzinoti:  kusapindirwa pamba pako kana dzimwe nzvimbo dzako zvisina mvumo yako;  kusasechewa iwe pachako kana dzimwe nzvimbo dzako dzaunadzo zvisina mvumo yako;  kusatorerwa zvinhu zvako zvisina tsanangudzo;  kusakanganisirwa kutaura kwako nevamwe kana kupindirwa mune zvakavanzika zvako.  kusashambadzirwa urwere hwako kumunhu wese wese Kodzero yekuungana kana kufambidzana nevamwe Munhu wese ane kodzero yekuungana kana kufambidzana nevamwe. Izvi zvinosanganisirawo kodzero yekusaungana kana kusafambidzana nevamwe. Munhu haafaniri kumanikidzwa kuva nhengo yeripi zvaro boka kana kuenda kumusangano upi zvawo unenge washeedzerwa. Kodzero yekutaridzira kana kuisa zvichemo Munhu wese ane kodzero yekutaridzira kana kuburitsa zvichemo zvake chikuru zvichiitwa murunyararo. Kodzero yekusununguka mupfungwa Munhu wese ane kodzero yekuva akasununguka mupfungwa, kusanganisira kufunga zvaanoda, maonere ake zvinhu, chitenderi, uye kuita zvinotaridza maonero ake nechitenderi chake pangava pamba pake kana pese pese. Munhu haafaniri kumanikidzwa kuita mhiko isingapindirani nemafungiro ake kana chitenderi chake. Vabereki kana vachengeti vevana vasati vakura vane mvumo yekusarudzira vana ivavo chitenderi semaonero avo uye tsika dzavo. Izvi hazvifaniri kukanganisa kodzero dzevana ivavo dzakaita sekuwana fundo, utano, kudzivirirwa kunjodzi uye 6

Select target paragraph3