KUNAMATIRA RUGARE MUSARUDZO
Mwari Wamasimbaose, ndimi Musiki wazvose. Makatipa nyika ino
yakanakisisa yeZimbabwe navanhu vayo. Makatipa Mwanakomana wenyu
Jesu Kristu kuti atipinze muUmambo hwenyu, uye kuti atiratidze kubata basa
nokugara pamwechete murudo, murugare, mukuwadzana, mukuwirirana,
nomuruenzaniso. Tinokutendai nokutipa mukana musarudzo yedu kuti
tisarudze vatungamiri vanozotibatsira kudzika Umambo hwenyu munyika
yedu.
Tenzi wedu Jesu, makaparidza nezvoUmambo hwedenga hwamunokoka
munhu wose zvake, pasina wamunosiya. Umambo uhwu hwakafanana
nomuti mukuru wokuti shiri dzinogona kuvakira matendere adzo pamapazi
awo (Mateu 13:31-32). Ndiwo mabiko makuru anokokwa munhu wose
(Mateu 22:1-14). SoMufudzi Wakanaka, munoda, munoremekedza uye
munokudza imwe neimwe yehwai dzenyu, kusvika pakudzifira (Johani
10:15).
Dai vanhu vomuZimbabwe vaita sarudzo yakasununguka, inotungamirirwa
nehana dzavo, uye nomoyo wakachena. Dai waro sarudzo ino yatipa
vatungamiri vanoshandira vanhu zvechokwadi, sezvamakaita imi zvokuuya
kuzoshandira vamwe kwete kuzoshandirwa (Mariko 10:45). Imi munoda kuti
vana venyu vose vawane upenyu huzere (Johani 10:10).
Tinonamata kuti sarudzo ino iitwe mune zvakanaka, muchokwadi uye nenzira
iri pachena. Tinonamatawo kuti Umambo hwenyu hworudo, rugare,
ruenzaniso norusununguko, husvike (Mateu 6:10). Dai waro munamato wedu
warega kuva chichemo chisina maturo, kana kungova chiroto. Tinokumbira
kuti Umambo hwenyu huburukire munyika yedu yeZimbabwe, patinopedzisa
tichinamata pamwechete namazwi atakadzidziswa naTenzi Wedu, tichiti:
“Baba vedu....”
Ameni.
9