vakatarisa Zimbabwe yatinoda tose. Ngatiyeukei mazwi aJesu aanogara
achidzokorora kwatiri mazuva ano: “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako
wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo
mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwoyu unoti, 'Ida mumwe
wako sokuda kwaunozviita iwe pachako'” (Mateu 22:37-39). Ngatishandisei
sarudzo iyi kuzadzikisa mutemo uyu muna zvose, zvikuru muruenzaniso
nomurudo.
[11] Zvose izvi hazvigoni kubudirira kana pasina munamato. Tiri panguva
itsva yeshanduko munhoroondo yeZimbabwe, nguva yenyasha dzaMwari.
Isu Vafudzi venyu tinokumbira kuti maparishi, zvikoro, mapoka avapikiri,
maunivhesiti namakorichi ashandise munamato unotevera munhu ari oga
kana kuti akabatana navamwe. Tinokurudzira vapristi, vapikiri navatenderi
navose vanhurume navanhukadzi vakarurama kuti varatidze kubatana
kwedu, rutsigiro noruvimbo muna Mwari, nokuva zvapupu zvechitendero
chedu muMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu, nokunamata
pamwechete nesu tichiparidzira shoko retsamba ino youfudzi.
8