enyika mushure mokuita mabasa anotyora zvinangwa nemitemo yeMubatanidzwa wenyika dzepasi pose. 15. Chisungo cheGumi neShanu 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nenyika yaanobva. 2. (Chechipiri) - Hapana munhu achashaiswa nyika yake yaanogara kana kurambidzwa kuenda kundogara kuneimwe nyika. 16. Chisungo cheGumi neNhanhatu 1. (Chekutanga) Vanhurume nevanhukadzi vabvezero, vanekodzero yokuroorana nokuumba mhuri, pasina kudziviswa nokuda kwerudzi, nyika yechizvarwa kana svondo yavanopinda. Vanhu ava vanekodzero dzakaenzana munyaya dzezvekuvaka imba, pakuchata nemukuparadzwa kwawo. 2. (Chechipiri) - Wanano ichaitwa chete kana paine tenderano yakakwana pakati paavo vanoda kuwanana. 3. (Chechitatu) - Mhuri ndiyo musimboti womubatanidzwa unokosha mumusha uye inekodzero yokuchengetedzwa omene. 17. Chisungo cheGumi neChinomwe 1. (Chokutanga) - Munhu wese anekodzero yekuita pfuma ariega kana kuti akabatana nevamwe. 2. (Chechipiri) - Hakuna munhu achatorerwa pfuma yake. 18. Chisungo cheGumi neSere Munhu wese anekodzero yorusununguko mupfungwa, mumaonero, nemumanamatiro ake; kodzero iyi inobatanidza rusununguko rwokuchinja svondo kana mafungiro, zvekare kuva norusununguko pachake kana navamwe, pachena kana muchivande, rwokunamata kana rwomumafungiro ake

Select target paragraph3