zvichitevera marongerwo ohupfumi hwenyika imwe neimwe, hupfumi, magariro nekodzero, dzetsika dzemagariro ake nokuita munhu anova zvaanoda kuva. 23. Chisungo chechimakumi maviri nenhatu 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokushanda, kusarudza basa raanoda kuita, nekuva nomushandiro wakanaka uyewo nekudzivirirwa kuti asaite rovha. 2. (Chechipiri) - Munhu wese, pasina kusarura kupi zvako, anekodzero yokuwana mugove wakaenzana nowomunhu wese anoita basa serake. 3. (Chechitatu) - Munhu wese anoshanda anekodzero yokuwana mugove wakanaka zvichiita kuti iye pachake nemhuri yake vawane magariro anokodzera ehunhu uchiwederwa, kana zvichikodzera nedzimwe nzira dzokuchengetedzwa kwemagaririo akanaka. 4. (Chechina) - Munhu wese anekodzero yokuumba nokuvanhengo yemasangano anomirira vashandi kuti agone kuchengetedza zvido zvake. 24. Chisungo chechimakumi maviri nena Munhu wese anekodzero yokuzorora nokuzvivaraidza, zvichibatanidza kukamurwa kwenguva yokushanda nokuwana zororo nguva nenguva pabasa achipihwa mugove wakakwana. 25. Chisungo chechimakumi makumi maviri neshanu 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nemagariro akakwana kuti ave nohutano hwakanaka nokurarama zvakanaka iye pachake nemhuri yake achiwana kudya, zvipfeko, imba, kurapwa nezvose zvinodikanwa pamagariro omunhu nekodzero yokuchengetwa panguva yokushaiwa basa, hurwere, kuremara, kufirwa, kukwegura kana chipi zvacho chipingidzo muupenyu.

Select target paragraph3