 • • • • • • • • • • • • Kukasira kuudzwa mhosva yaanopomerwa; Kupiwa nguva nomukana wakakwana wokuti agadzirire uchapupu hwake; Kupiwa mukana wekumiririrwa negweta raanoda achibhadhara iye; Hurumende imutsvagire gweta ichibhadhara iyo, kana zvakakodzera, kuitira kuti musungwa asabatwa zvisakakodzera; Kuve nemuturikiri anotaura rurimi rwaanonzwisisa; Kunge aripo panotongwa mhosva yake; Kupa uchapupu uye kukwikwidza uchapupu hunenge hwapiwa; kuti akwidze nyaya yake kumatare epamusoro; kuti nyaya yake iwongororwe nedare repamusoro; kuti nedzimwe nguva, kana umbowo hwapiwa husina kuwanikwa nenzira inobvumwa neChiga Chekodzero husashandiswa mudare; kuti asabatwa nemhosva kana zvaanopomerwa zvisati zvava kutorwa sekutyora mutemo uye kana zvisisatorwi semhosva panguva iyoyo; kuti asatongerwa mhosva yaakambotongerwa kare akaregererwa, akasabatwa nemhosva kana kuti akasungirwa kuti apiwe zvinyorwa zvematongerwo aitwa nyaya mushure menguva pfupi abva mukutongwa, mushure mokunge abhadhara kamuripo kanodiwa Kodzero dzekuva nezvinhu Munhu wese ane kodzero yokuva nezvinhu zvake, kuzvitengesa, kuzvipa umwe munhu, kuzvitsinhisa,kana kuzvitengesa iye ari ega kana kuti akabatana nevamwe; Munhu wese ane kodzero yokusatorerwa zvinhu zvake nechisimba kunze kwekunge chiitiko ichi chichitsigirwa nemutemo kana kuti zvichiitirwa kuchengetedza kodzero dzeruzhinji. Kunge izvi zvaitika, muridzi wezvinhu zvacho anofanira kuziviswa nguva ichipo uyevaya vatenga zvinhu zvacho vanofanira kubhadhara zvakakodzera. Mukati memazuva 30 vatenga, vaya vatenga vanofanirazve kupiwa magwaro kudare anoratidza kuti vatenga zvechokwadi. Uya ari kutengerwa anekodzero yekukwikwidza kumatare kutengeswa kwezvinhu zvake kana kupokana nemutengo uri kupiwa. Kodzero iyi inodzikiswa kana pava panyaya dzine chekuita neminda sezvakatsanangurwa pasi: Kodzero yemunda Hurumende inogona kutora munda zvechisimba kana ichida kugovera vamwe vanhu, kushandisa munda wacho kuita zvimwe, kuita masango, kuchengetedza zvimerwa nezvimwe zvingavamo,kuchengeteramo mhuka kana zvimwe zviwanikwa kana kutamisa vanhu. Kana munda watorwa nenzira iyi, unobva wava wehurumende zvachose. Kuchitevedzwa bumbiro renyika, muridzi wemunda watorwa nenzira iyi hapana 10

Select target paragraph3