1. Chii chinonzi Chiga Chekodzero Dzevanhu?
Bumbiro renyika ndiwo mutemo mukuru unotsanangura kuti nyika inofanira
kutongwa nenzira ipi. Mutemo mukuru wekodzero dzevanhu unowanikwa
muChitsauko 4 cheBumbiro reNyika. Chitsauko ichi chinopa kodzero dzinofanira
kupiwa vanhu vomuZimbabwe.
Kodzero ndezviya zviga zvatinongowana pamusoro pekuti tiri vanhu. Kodzero
dzakapiwa muChiga cheKodzero dzevanhu ndidzo kodzero dziya dzinotsigirwa
nemitemo. Mitemo ingada kubvisa kodzero idzi haingabvumidzwi kuvepo kunze kwekuti
Chiga cheKodzero dzevanhu chichizvitendera. Kana iripo mitemo nechekare
inobvisa dzimwe kodzero dziri muChiga cheKodzero inotonzi haishandi, kana kodzero dziri
mubumbiro dziikasatevedzerwa, munhu anogona kukwira kumatare edzimhosva kuti
ndambunyikidzwa kana kuinda kuDare rinobata nezveBumbiro renyika kuti anoongororerwa
chichemo chake kuti chigadziriswe.
Chiga cheKodzero dzevanhu chiri mubumbiro idzva renyika chine kodzero dzine
chekuita nekugarisana kwevanhu nedzine chekuita nematongerwo enyika uye
kodzero dzezveupfumi, kugarisana netsika dzemagariro edu. Chiga ichi chinobatawo
kodzero dzenzvimbo dzatinogara uye zvakatikomberedza, zvingava zvimerwa kana
zvimwewo zviri muvhu. Kodzero dzine chekuita nekugarisana kwevanhu nedzine
chekuita nematongerwo enyika ikodzero dzinowana mugari wese agere munyika
zviri pamutemo. Kodzero idzi dzinodzivirira munhu kuti asashungurudzwe
nehurumende, vamwe vanhu kana mamwe mapoka. Dzinopawo munhu mukana
wekupinda muzvirongwa zvechigarisano kana matongerwo enyika pasina rusaruro
kana kumbunyikidzwa. Miienzaniso yekodzero dziri muchikwata ichi ndedzinoti:kodzero
yokurarama, yokusununguka, yokusaitirwa zvinorwadzisa muviri, yekutaura
zvaunoda wakasununguka, yekuungana nekudyidzana nevanwe uye yekupinda mune
zvematongerwo enyika. Kodzero idzi ndidzo dzinonzi kodzero dzedamho rekutanga
nekuti ndidzo kodzero dzakatanga kuzivikanwa.
Kodzero dzine chekuita neupfumi, chigarisano uye tsika nemagariro
dzinonangana nezvinofanira kuwanikwa nemunhu wese zvakaita sekodzero
yokuwana basa, pokugara, chikafu, utano, dzidzo uye mutauro wako waamai.
Kodzero
idzi
dzinonzi
kodzero
dzedanho
rechipiri
nokuti
dzakazocherechedzwa mushure medziya dzekutanga. Kodzero dzehumwe, idzo
dzinonziwo kodzero dzedanho rechitatu dzinosanganisira kodzero yebudiriro, runyararo
nepekugara pakanaka.
Kodzero, zvaunotarisirwa kuita nekuitira vamwe zvinofambidzana. Umwe neumwe anotarisirwa
kucherechedza kodzero dzevamwe vake. uye anokarirwa kutevedzera bumbiro nemitemo
2