yeZimbabwe. Nekudaro, dzimwe kodzero dziri muChiga cheKodzero dzakanyorwa nenzira yekuti
zvido zveruzhinji zvinochengetedzwa uye kuti hazvikanganisi kodzero dzevamwe.
2. Ko dzimwe nyika dzinachowo Chiga cheKodzero here?
Nyika zhinji dzinazvowo Zviga zveKodzero izvi mumabumbiro enyika adzo. Izvi
zvinonyanyoonekwa munyika dzine mabumbiro azvinozvino dzakaita seSouth
Africa neNamibia.
3. Ndedzipi kodzero dziri muChiga cheKodzero?
Kodzero
dzinochengetedzwa
nebumbiro
renyika
dzakapamhama
kusanganisira: dzekugarisana kwevanhu uye zvematongerwo enyika;
dzeupfumi, chigarisano uye tsika nemagariro; dzekuumba boka uye dzemamwe
mapoka akakosha.
Zviri pachena kuti chido chekuchengetedza kodzero, jechetere nehutongi
hwakanaka chiripo sezvatinoona muChitsauko 1 chinopa hwaro hwebumbiro,
Chitsauko 2 chinopa zvinangwa zvenyika, Chitsauko 3 chinopa kodzero yokuva
mugari wemunyika kozoti icho Chiga cheKodzero chatinowana muChitsauko 4
cheBumbiro renyika. Chiga cheKodzero chinokomekedza nyika uye mapazi anoti nhengo
dzeparamende, matare edzimhosva nevatunganiriri vakuru venyika nemamwe mapazi
ehurumende kuchitevedzera. Chinopawo munhu chaiye uye mapoka – achitorwa semunhu
pamutemo (semakambani) - zvavanotarisirwa kuita, zvichienderana nekuti ikodzero ipi yamuri
kutaura nezvayo. Vanhu chaivoivo uye mapoka – achitorwa semunhu pamutemo –
zvinochengetedzwa ne Chiga cheKodzero ichi.
Paanoshandisa nekutsanangura mashandiro eChiga cheKodzero ichi, matare edzimhosva
anofanira kucherechedza zvinotevera:
• mitemo inobata nyika dzese dzepasi rino pamwe nezviwe zvitenderano
zvakabvumiranwa nazvo neZimbabwe;
• zvese zviri muBumbiro renyika, kunyanya zvinangwa zvenyika nembiru
dzakapiwa muchitsauko 2 uye
• zvinokosheswa zvinopa hwaro hwekugara kwejechetere kunopa
kuvimbika, hutongi hwakanaka, kuremekedza kukosha kwemunhu,
kubata munhu wese zvakafanana uye kusungunuka.
Pamusoro pezvo, pakutonga mhosva kwawo, matare edzimhosva anogona
kushandisa mitemo yedzimwe nyika yakakodzera.
3