3.1 Kodzero dzakakosha
Hedzinoyi kodzero dziri muChiga cheKodzero:
Kodzero yekurarama
Munhu wese ane kodzero yekurarama. Asiwo, Bumbiro renyika rinobvumidza
munhu kutongerwa rufu kana abatwa nemhosva yekuponda Vanhu vakaita seava
havangatongerwi rufu:
• munhu akange asati asvika makore 21 ekuzvarwa paakapara mhosva;
•
munhu apfuura zera remakore 70 okuzvarwa
•
munhukadzi
Mwana asati azvarwa (achiri mudumbu) ane kodzero yekurarama. Pari kugadzirwa
mutemo uchapa zvikonzero zvinobvumidza kuti nhumbu ibviswe.
Kodzero yekupa munhu wese rusununguko rwake
Munhu wese ane kodzero yerusununguko rwake. Kodzero iyi inosanganisira
kusagariswa muubatwa usina kutongwa nedare kana kuti pasina chikonzero
chakakodzera. Uyezve munhu haafanirwi kuiswa mutorongo nechikonzero chekuti
haana kuita zvaakatsidzira kuita. Zvichireva kuti munhu haangaiswi mutorongo
nokuda kokutadza kuripa chikwereti.
Kodzero dzevasungwa nevanhu vari mutorongo
Kodzero dziri muchikamu chino dzinosanganisira
:
• kodzero yekuudzwa chikonzero chawasungirwa kana kuiswa muubatwa;
• kodzero yekumiririrwa negweta mudare redzimhosva;
• kodzero yekusamanikidzwa kubvuma mhosva kana kureurura;
• kodzero yekuudzwa kodzero dzako semusungwa;
• kodzero yekunyarara (kuramba kutaura paya paunosungwa);
• kodzero yekutaurira hama yako yepadyo;
• kodzero yekusanyimwa kusununguka kwako pasina chikonzero;
• kodzero yekupokana nekusungwa kwako kana kuiswa muhubatwa uye
• kubatwa neruremekedzo uye semunhu
Pamusoro pezvo, munhu wese anenge asungwa kana kuiswa muhubatwa anofanira
kuendeswa kumatare mukati menguva pfupi isingadariki maawa 48 kubva
paasungwa, zvisinei nekuti nguva iyi yakwana uri Mugovera here kana kuti
Svondo kana kuti zuva rezororo yeruzhinji rwenyika. Kana nguva iyi ikakwana
musungwa asati aendeswa kumatare, anofanira kuregedzwa aende zvake.
4