anofanira kuitirwa rusarura nepamusana perudzi, ruvara rweganda,dzinza,
kwaakazvarwa, kwaakabva neko, rurimi rwake, chitenderi, chinzvimbo chake
mudunhu, bato rematongerwo enyika raari nhengo,mafungiro ake, tsika, magairo,
kuva murume kana mukadzi, mamiriro ake maererano newanano kana upfumi,
urema, zera, kuzvitakura kana kuti akazvarirwa muwanano here kana kunze
kwayo.
Hurumende inotarisirwa kuedza pose painogona ichishandisa mitemo nedzimwe
nzira dzakakodzera kuona kuti kodzero iyi yekubatwa kwevanhu zvakafanana
inotevedzwa. Inofanira zvakare kuona kuti vanhu nemapoka vakamboshaiswa
mikana nekuda kwerusarura vanochengetedzwa nemazvo. Uku hakunganzi
kukanganisa.
Kodzero yekurarama upenyu hwako pasina anokukanganisa
Kodzero iyi ine dzimwe kodzero mukati dzinoti:
kusapindirwa pamba pako kana dzimwe nzvimbo dzako zvisina mvumo yako;
kusasechewa iwe pachako kana dzimwe nzvimbo dzako dzaunadzo zvisina
mvumo yako;
kusatorerwa zvinhu zvako zvisina tsanangudzo;
kusakanganisirwa kutaura kwako nevamwe kana kupindirwa mune
zvakavanzika zvako.
kusashambadzirwa urwere hwako kumunhu wese wese
Kodzero yekuungana kana kufambidzana nevamwe
Munhu wese ane kodzero yekuungana kana kufambidzana nevamwe. Izvi
zvinosanganisirawo kodzero yekusaungana kana kusafambidzana nevamwe.
Munhu haafaniri kumanikidzwa kuva nhengo yeripi zvaro boka kana kuenda
kumusangano upi zvawo unenge washeedzerwa.
Kodzero yekutaridzira kana kuisa zvichemo
Munhu wese ane kodzero yekutaridzira kana kuburitsa zvichemo
zvake chikuru zvichiitwa murunyararo.
Kodzero yekusununguka mupfungwa
Munhu wese ane kodzero yekuva akasununguka mupfungwa, kusanganisira
kufunga zvaanoda, maonere ake zvinhu, chitenderi, uye kuita zvinotaridza maonero
ake nechitenderi chake pangava pamba pake kana pese pese. Munhu haafaniri
kumanikidzwa kuita mhiko isingapindirani nemafungiro ake kana chitenderi chake.
Vabereki kana vachengeti vevana vasati vakura vane mvumo yekusarudzira vana
ivavo chitenderi semaonero avo uye tsika dzavo. Izvi hazvifaniri kukanganisa
kodzero dzevana ivavo dzakaita sekuwana fundo, utano, kudzivirirwa kunjodzi uye
6