ruzivo pese pese uku kunofanira kuitwa nenzira yakajeka zvinofambirana nehutongi hwejechetere. Mitauro netsika Munhu wese anekodzero yekutaura mutauro waanoda uye kutevedzera tsika dzake asi mukudaro asingakanganisi vamwe kutevedzera tsika dzavowo sokupiwa kwazvakaitwa mu Bumbiro renyika. Bumbiro renyika rinocherechedza mitauro gumi nemitanhatu inoti: Chewa, Chibarwe, Chirungu, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Shona, mutauro wevane dambudziko rekunzwa nekutaura (sign language) , Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa. Kuita basa raunoda Munhu wese anobvumirwa kuita ripi basa raanoda. Basa iroro rinofanira kunge richitevedzera mitemo yenyika. Kodzero dzevashandi • Mushandi wese ane kodzero yekubatwa zvakanaka pabasa uye kupiwa muhoro wakakodzera. • Mushandi wese anofanira kuitirwa zvese zvinoita kuti ashande akasununguka • Mushandi wese, kusiya kwevashandi vane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika, anekodzero yekuvamba bato rake rinomiririra vashandi kana kuve nhengo yebato riripo nechakare raanoda. • Mushandi wese, kusiya kwevashandi vane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika, anekodzero yekutaridzira. Izvi zvinosanganisira kuinda pasitiraiki, kugara panzvimbo yepabasa pake asi asingashandi uye kuramba kushanda, senzira yekutaridza kutsutsumwa kwake. Panogona kudzikwa mutemo unorambidza izvi kana iri nzira yekuti mabasa asingagoni kumira aenderere mberi achiitwa. • Varume nevakadzi vanofanira kupiwa muhoro wakafanana kana vachiita basa rakafanana. • Vakadzi vane kodzero yekuinda pazororo remateneti kwemwedzi isiri pasi pemitatu vachitambira mubairo wavo wakakwana. Kodzero yekufamba nekugara paunoda Chizvarwa chese chemuZimbabwe chine kodzero yekupinda muZimbabwe, kusadzingwa muZimbabwe uye kuwana pasipoti. kana ripi gwaro rekufambisa. Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana upi zvake ari muZimbabwe zviri pamutemo ane mvumo yekufamba akasununguka munyika, kugara munzvimbo ipi yaanoda uye kubuda muZimbabwe. 8

Select target paragraph3