Kodzero dzezvematongerwo enyika
Chizvarwa chese chemuZimbabwe chine kodzero idzi:
•
•
•
Kuitirwa sarudzo dzakasununguka, dzinoitwa nemazvo uye nenguva
yakakodzera
Kusarudza zvaanoda mune zvematongerwo enyika
Kuvhota muchivande (pasina akamutarisa) kana kuvhoterwa muzvigaro
zvevoruzhinji chikuru asvika makore 18 ekuzvarwa.
Kuchitevedzerwa Bumbiro remitemo reZimbabwe, zvizvarwa zvemuZimbabwe
zvine kodzero idzi:
•
•
•
Kuvamba, kuve nhengo yebato ravanoda nekuita mabasa ebato iroro
Kutsvaka rutsigiro rwebato rake akasununguka zvisina mhirizhonga uye
Kuita mabasa ebato rake, emamwe magungano kana emamwe mapoka zvisina
mheremhere.
Chese chizvarwa chemuZimbabwe chine makore ekuzvarwa 18 kana
kupfuura chine kodzero ye kuvhota kana kuvhoterwa muzvigaro zvevoruzhinji
kuti kuve nejechetere, paramende inofanira kugadzira mutemo unoita kuti mapato
ezvematongerwo enyika apiwe mari nehurumende.
Kodzero yekuwana rubatsiro kumatare edzimhosva
Munhu wese ane kodzero yokubatwa zvakanaka kumatare edzimhosva nemazvo
uye kuwana rubatsiro nekukasira. Munhu wese ane kodzero yokuudzwa
nekukasira uye zvakanyorwa pasi mabatirwe ake angangokanganisa kodzero
dzake.
Kodzero yekunzwika kumatare
Munhu wese anopomerwa mhosva ane kodzero yekumiswa pamberi pedare
mushure menguva pfupi achibva mukusungwa uye achiteererwa umbowo hwake
zvisina divi rakarerekerwa.
Munhu wese ane kodzero yokuenda kumatare uye kuzvisarudzira gweta
rinomumiririra.
Kodzero dzemusungwa
Munhu wese anenge apomerwa kupara mhosva ane kodzero dzinotevera:
• haafaniri kungonzi ane mhosva pasina umbowo hunoratidza kuti ane mhosva
9