rwakakwana haisi sarudzo inoitwa murusununguko.
Tinofara nourongwa hwokugadzira Voters' Roll, zvikuru kushandiswa
kwakaitwa ruzivo nounyanzvi hutsva hwamazuva ano. Zvose zvinobatsira
kuti sarudzo dzedu dziitwe zviri pachena, pasina kuhwandirana, zvinobatsira
kuti zvinobuda musarudzo zvigamuchirike navagari vomuno muZimbabwe
navari kune dzimwe nyika. Maitiro okuvhota nokuverengwa kwamavhoti
musi wokuvhota zvinofanira kugadzirirwa nokurongwa zvakanaka, paine
kuchengetedzeka kwakarurama, zviine unyanzvi huzere, zvichiita kuti
vanhu vanosarudza vazive ivo voga kuti ndiani wavasarudza, pasina mumwe
ari kuona. Sarudzo inofanirawo kuti avo vakabvumidzwa kuoongorora
zvose zviri kuitika vaitewo basa ravo nomazvo.
[6] Kuvanhu vose vachavhota, tinodzokorora zvatakataura mutsamba yedu
yomuna February 2002, "A call to Work for Unity, Peace and Harmony"
(yatakanyora sarudzo yoMutungamiri wenyika ya2002 isati yaitwa). Takati:
"Tinokukurudzirai mose zvakare kuti mushandise vhoti yenyu zvakanaka
kuti mubatsire nyika. Shandisai vhoti yenyu, ikodzero yenyu, hapana munhu
anogona kukutorerai. Sarudzai wamunoda makasununguka muhana dzenyu.
Musatya, hapana anoziva kuti ndiani wamasarudza. Ivai vagari vomunyika
muno makasununguka..."
SaVaKristu tinonzwisisa basa redu rokuvaka Umambo hwoKudenga pasi
pano, basa rokuumba nzvimbo dzatinogara, matinoshandira, matinonamata
tiri, uye matinorera vana vedu, tichitevedzera zvatinorairwa neShoko
Rakanaka. Jesu akaparidza achiti Umambo hwaMwari ndiko kutonga
kwaMwari muupenyu hwavanhu hwakatangira pano pasi,
huchizozadzikiswa kudenga. Umambo hunotaurwa naJesu hausi
hwoupenyu huchazouya chete, asi mucherechedzo wokuti Mwari anoda kuti
nyika ive yakaita sei uye irarame sei. (Mariko 4:26-34).
Muna March 2013 (Zimbabwe Elections and the God of Second Chances,
sarudzo ya2013 isati yaitwa), takatsanangura zvinofanira kutariswa
pavanhu vatinoda kuti vatitungamire nokutimiririra:
(1) "Kuzvipira zvizere kushandira vanhu: munhu anoda kusarudzwa
haafaniri kungozvifunga iye pachake. Anodisisa kuti vanhu vakamusarudza
vagare vari pamwoyo pake. Zvido zvavanhu zvinofanira kumukoshera
4