utongi hwegutsaruzhinji. Nhanganyaya yeBumbiro redu Romutemo inogona kutibatsira kuti tinyatsoumba tiri pamwechete Muono weNyika yedu. [9] Kana sarudzo yedu iri kuuya iyi ikafamba zvakanaka, zvinorevawo kuti nyika yedu yeZimbabwe ichadzokera mukudyidzana zvakare nedzimwe nyika dzose dzapasi pano. Mhuri imwe neimwe inorarama nokuwana kubva kuna vamwe zvinhu zvaisingagoni kuzviitira iyo pachayo, zvakaita sezvikoro nokuchengetedza mutemo. Ndizvo zvimwechetewo nenyika imwe neimwe, kuti inobudirira nokushanda pamwe nedzimwewo nyika uye nokudyidzana nenyika dzakaipoteredza. Zimbabwe inofanirawo kuti ibatsire mukuwanisa zvakanikira ruzhinji kuvanhu vapasi pano. Kutaura kuno, vanhu vazhinji vomuZimbabwe vari kushanda kunze kwenyika ino, vachibatsira zvikuru nyika dzavari kugara mune zvoutano, zvedzidzo nezvamabhizimusi nezvimwewo. Vechidiki vazhinji vanoenda kumisangano yevezera ravo inoitwa kunze kwenyika. Savanhu vomuZimbabwe, tinofanira kuwanikwa tichibatsirana navamwe, takangoenzana navo, uye tiine chiremera chakakwana, tichigadzirisa zvinetswa zvakaita sokutama kwavanhu kubva munyika yavo vachienda kune dzimwe, kuchengetedza nharaunda, kurwisa mhirizhonga noumhondi (terrorism), zvinokurukurwa mumibatanidzwa yenyika yakaita seSADC, African Union, Commonwealth neUnited nations. [10] Muono uyu weThe Zimbabwe We Want unobva mudzidziso yeSangano Katorike Pamusoro Pokugarisana Kwavanhu (Catholic Social Teaching), rinova denhe roruzivo runobva muShoko Rakanaka runochengetedzwa neSangano kuitira vanhu vapasi pose. Isu, maBhishopi enyu, tinokurudzira VaKatorike vose kuti vaverenge nokufungisisa pamusoro pegwaro iri rinonzi The Zimbabwe We Want, pamwe netsamba dzedu dzoufudzi The Cry of the Poor (June 2005) neLet Us Work for the Common Good (January 2011). Tinokurudzira zvikuru maUnivhesiti eChiKatorike nezvimwe zvikoro zvedzidzo yapamusoro kuti vabatsire vanhu vari kuzosarudza vatungamiri musi wa30 July 2018 nokutaurirana pamusoro penyaya idzi, kuti vasarudze 7

Select target paragraph3