zvichitevera marongerwo ohupfumi hwenyika imwe neimwe, hupfumi, magariro
nekodzero, dzetsika dzemagariro ake nokuita munhu anova zvaanoda kuva.
23. Chisungo chechimakumi maviri nenhatu
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokushanda, kusarudza basa
raanoda kuita, nekuva nomushandiro wakanaka uyewo nekudzivirirwa kuti
asaite rovha.
2. (Chechipiri) - Munhu wese, pasina kusarura kupi zvako, anekodzero
yokuwana mugove wakaenzana nowomunhu wese anoita basa serake.
3. (Chechitatu) - Munhu wese anoshanda anekodzero yokuwana mugove
wakanaka zvichiita kuti iye pachake nemhuri yake vawane magariro
anokodzera ehunhu uchiwederwa, kana zvichikodzera nedzimwe nzira
dzokuchengetedzwa kwemagaririo akanaka.
4. (Chechina) - Munhu wese anekodzero yokuumba nokuvanhengo
yemasangano anomirira vashandi kuti agone kuchengetedza zvido zvake.
24. Chisungo chechimakumi maviri nena
Munhu wese anekodzero yokuzorora nokuzvivaraidza, zvichibatanidza
kukamurwa kwenguva yokushanda nokuwana zororo nguva nenguva pabasa
achipihwa mugove wakakwana.
25. Chisungo chechimakumi makumi maviri neshanu
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nemagariro akakwana
kuti ave nohutano hwakanaka nokurarama zvakanaka iye pachake
nemhuri yake achiwana kudya, zvipfeko, imba, kurapwa nezvose
zvinodikanwa pamagariro omunhu nekodzero yokuchengetwa panguva
yokushaiwa basa, hurwere, kuremara, kufirwa, kukwegura kana chipi
zvacho chipingidzo muupenyu.