2. (Chechipiri) - Huzvere kana nguva yohwana hudiki inguva yokubatwa zvakanaka nokubatsirwa. Vana vese, zvisinei kuti vakaberekwa zvakaita sei, vachachengetwa zvakayenzana. 26. Chisungo chechimakumi maviri nenhanhatu 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuwana dzidzo iyo ichange iri pachena , zvikuru panguva yehwana hudiki, inova ndiyo nguva yakakosha. Dzidzo panguva iyi ichamanikidzirwa. Dzidzo dzezvemibato yemaoko neyemumahofisi ichaitwa kuti ivepo zvekare, dzidzo iripamusoro ichawanikwa maererano nemagonero emunhu. 2. (Chechipiri) - Dzidzo ichanangiswa kusimudzira zvakakwana munhu nokusimbaradza kuremekedzwa kwekodzero dzavanhu uyewo nerusununguko rwavo runokosha. Dzidzo ichakuridzira kunzwisisa, kuregererana nohusahwira pakati penyika, marudzi kana mapoka ezvedzisvondo, uyewo ichatungamidza mabasa emubatanidzwa weNyika dzepasi pose ekuchengetedzwa kwerunyararo. 3. (Chechitatu) - Vabereki vanekodzero yokusarudza dzidzo ichapihwa kuvana vavo. 27. Chisungo chechimakumi maviri nenomwe 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuteedza akasungunuka tsika dzemunzvimbo maanogara kufadzwa nezvemitambo nokubatidzawo mumabasa ebudiriro. 2. (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yokuwana kuchengetedzwa kwemararamiro nezvido zvake zvinobva munezvaanamazvi- kokota, zvemitambo, nemuzvinyorwa izvo anenge akanyora ega. 28. Chisungo chechimakumi maviri nesere

Select target paragraph3