kushandurwa. Asi zvinonetsa kushandura Chiga cheKodzero pane kushandura
Bumbiro sezvo zvingada kushandurwa muchiga zvichifanira kuinda kusarudzo
inoitwa nenyika yose (referendum).
6. Kodzero idzi dzinomanikidzwa kutevedzerwa nenzira ipi?
Bumbiro rakapa nzira dzakawanda muChitsauko 4 dzekuti kodzero idzi
dzitevedzerwe.
• Bumbiro idzva renyika rakaumba dare rinoona nezvekutevedzerwa
kweBumbiro rinonzi Constitutional Court. Asi kwemakore 7 mushure
mekutambirwa kweBumbiro iri, vatongi vemuDare guruguru rinonzi Supreme
Court ndivozve vachagara sedare rinoona nezvekutevedzerwa kwe Bumbiro
(Constitutional Court).
• Kana munhu akafunga kuti kodzero dzake sokupiwa kwadzakaita muChiga
cheKodzero dzavhiringidzwa kana kuti dzingangovhiringidzwa, anogona
kunyorera ku Constitutional Court kuti zvigadziriswe. Bumbiro idzva
rinobvumirawo kuti umwe munhu amiririre uya asingakwanisi kuinda kudare
iri, kana kumiririra zvido zveboka kana nhengo dzaro, kana zveruzhinji
rwevanhu, anokwanisa kuinda kudare iri achisvitsa chichemo. Uya aenda
kudare iri anofanira kunge achidudza kuti imwe yekodzero dziri muChitsauko 4
yatyorwa kana kuti ingangotyorwa.Ipapo dare rinogona kuona zvaringaita
kugadzirisa chichemo chacho.
• Munhu anogona kukumbira mutongi wedare, mejasitiriti kana upi anenge
achimira semutongi kuti apfuudze nyaya yake kuConstitutional Court kana
ingave nechekuita nekutyorwa kweChiga cheKodzero. Mutongi wedare kana
mejasitiriti anofanira kutotambira chikumbiro ichi kunze kwokuti zvaonekwa
kuti chikumbiro ichi hachina hwaro kana kuti inongova nzira yokuda kutambisa
nguva.
• Mapoka (makomisi) anonzi maIndependent Commissions anova anotsigira utongi
hwejechetere akaiswawo muBumbiro senzira yekukurudzira kuchengetedzwa
kwekodzero dzevanhu zvikuru mapoka anoti Zimbabwe Human Rights
Commission uye Gender Commission. MaCommissions iwaya anogona kuferefeta
kutyorwa kwekodzero asi haagoni kupa mitongo kana zvisungo zvine simba
rinenge
rematare
edzimhosva.
14
Select target paragraph3
Add to table of contents