3.1 Kodzero dzakakosha Hedzinoyi kodzero dziri muChiga cheKodzero: Kodzero yekurarama Munhu wese ane kodzero yekurarama. Asiwo, Bumbiro renyika rinobvumidza munhu kutongerwa rufu kana abatwa nemhosva yekuponda Vanhu vakaita seava havangatongerwi rufu: • munhu akange asati asvika makore 21 ekuzvarwa paakapara mhosva; • munhu apfuura zera remakore 70 okuzvarwa • munhukadzi Mwana asati azvarwa (achiri mudumbu) ane kodzero yekurarama. Pari kugadzirwa mutemo uchapa zvikonzero zvinobvumidza kuti nhumbu ibviswe. Kodzero yekupa munhu wese rusununguko rwake Munhu wese ane kodzero yerusununguko rwake. Kodzero iyi inosanganisira kusagariswa muubatwa usina kutongwa nedare kana kuti pasina chikonzero chakakodzera. Uyezve munhu haafanirwi kuiswa mutorongo nechikonzero chekuti haana kuita zvaakatsidzira kuita. Zvichireva kuti munhu haangaiswi mutorongo nokuda kokutadza kuripa chikwereti. Kodzero dzevasungwa nevanhu vari mutorongo Kodzero dziri muchikamu chino dzinosanganisira : • kodzero yekuudzwa chikonzero chawasungirwa kana kuiswa muubatwa; • kodzero yekumiririrwa negweta mudare redzimhosva; • kodzero yekusamanikidzwa kubvuma mhosva kana kureurura; • kodzero yekuudzwa kodzero dzako semusungwa; • kodzero yekunyarara (kuramba kutaura paya paunosungwa); • kodzero yekutaurira hama yako yepadyo; • kodzero yekusanyimwa kusununguka kwako pasina chikonzero; • kodzero yekupokana nekusungwa kwako kana kuiswa muhubatwa uye • kubatwa neruremekedzo uye semunhu Pamusoro pezvo, munhu wese anenge asungwa kana kuiswa muhubatwa anofanira kuendeswa kumatare mukati menguva pfupi isingadariki maawa 48 kubva paasungwa, zvisinei nekuti nguva iyi yakwana uri Mugovera here kana kuti Svondo kana kuti zuva rezororo yeruzhinji rwenyika. Kana nguva iyi ikakwana musungwa asati aendeswa kumatare, anofanira kuregedzwa aende zvake. 4

Select target paragraph3