kuriritirwa. Mapato echitenderi anobvumidzwa kuvaka zvikoro zvinodzidzisa chitenderi chavo. Kusununguka kutaura mafungiro ako uye kusununguka kwenhepfenyuro nemapepanhau nezvimwe zvinofambisa mashoko Munhu wese ane kodzero yekutaura mafungiro ake. Kodzero iyi inosanganisira: • Kutsvaga, kugashira nekutumidzira pfungwa dzako nemamwe mashoko; • Kutaridza umhizha hwako pane upi zvawo mutambo. Kushambadza zvawakatsvakurudza, umhizha hwekufunga nekuita zvinhu zvitsva, kutaura nezvedzidzo wakasununguka; Panowedzerwawo: • Rusununguko rwemapepanhau nedzimwe nzira dzekufambisa mashoko uye vatapi venhau havamanikidzwi kudura kwavanenge vawana zvavanonyora. • Zvinobvumidzwa kutanga nhepfenyuro nedzimwe nzira dzemagetsi dzekufambisa mashoko chikuru mitemo yekuzvivamba ichinge yatevedzerwa. • Nhepfenyuro uye mapepanhau ehurumende haafaniri kuva nedivi raakarerekera. Zvinofanira kusununguka kupa pfungwa dzazvo (zvichienderana netsvakurudzo dzinenge dzaitwa) kunyangwe pfungwa idzi dzisingapindirani nedzehurumende. • Rusununguko rwokutaura pfungwa dzako nerusununguko rwemapepanhau harubvumidzi kukurudzira mhirizhonga, ruvengo kana kutangotaura zvisina maturo pamusoro pevamwe. Harubvumidziwo kungoshambadza zvakavanzika zvevamwe pasina chikonzero chakatsarukana. Kuwana ruzivo rwezvinoitika Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana uya ava mugari wemo zvachose ane kodzero yekuwana ruzivo rwaanoda kubva kuhurumende kana ruzivo irworwo ruchida kushandiswa kukurudzira hurumende kuita zvainotarisirwa. Kodzero iyoyi inowanikwavo nezvimwe zvisiri vanhu chaivo (semakambani) nezvese zvinofambisa mashoko. Pamusoro pezvo, munhu wese ane kodzero yekuwana mashoko (kana ruzivo) zvaanoda kubva kune umwe munhu, kusanganisira hurumende kana achida kuzvishandisa kuchengetedza kodzero. Munhu wese anobvumidzwa kukumbira hurumende kana mamwe mapazi ayo kudzima mashoko asiri iwo, kana asiri echokwadi pamusoro pake. Panofanirwa kudzikwa mutemo unosimbisa izvozvi. Mutemo iwoyo unofanira kuonawo kuti rumwe ruzivo harufaniri kungowanikwanje kana rwune chekuita nekuchengetedzwa kwenyika kana kuchengetedza mamwe mabasa. Asi kusangopa 7

Select target paragraph3