Kodzero dzezvematongerwo enyika Chizvarwa chese chemuZimbabwe chine kodzero idzi: • • • Kuitirwa sarudzo dzakasununguka, dzinoitwa nemazvo uye nenguva yakakodzera Kusarudza zvaanoda mune zvematongerwo enyika Kuvhota muchivande (pasina akamutarisa) kana kuvhoterwa muzvigaro zvevoruzhinji chikuru asvika makore 18 ekuzvarwa. Kuchitevedzerwa Bumbiro remitemo reZimbabwe, zvizvarwa zvemuZimbabwe zvine kodzero idzi: • • • Kuvamba, kuve nhengo yebato ravanoda nekuita mabasa ebato iroro Kutsvaka rutsigiro rwebato rake akasununguka zvisina mhirizhonga uye Kuita mabasa ebato rake, emamwe magungano kana emamwe mapoka zvisina mheremhere. Chese chizvarwa chemuZimbabwe chine makore ekuzvarwa 18 kana kupfuura chine kodzero ye kuvhota kana kuvhoterwa muzvigaro zvevoruzhinji kuti kuve nejechetere, paramende inofanira kugadzira mutemo unoita kuti mapato ezvematongerwo enyika apiwe mari nehurumende. Kodzero yekuwana rubatsiro kumatare edzimhosva Munhu wese ane kodzero yokubatwa zvakanaka kumatare edzimhosva nemazvo uye kuwana rubatsiro nekukasira. Munhu wese ane kodzero yokuudzwa nekukasira uye zvakanyorwa pasi mabatirwe ake angangokanganisa kodzero dzake. Kodzero yekunzwika kumatare Munhu wese anopomerwa mhosva ane kodzero yekumiswa pamberi pedare mushure menguva pfupi achibva mukusungwa uye achiteererwa umbowo hwake zvisina divi rakarerekerwa. Munhu wese ane kodzero yokuenda kumatare uye kuzvisarudzira gweta rinomumiririra. Kodzero dzemusungwa Munhu wese anenge apomerwa kupara mhosva ane kodzero dzinotevera: • haafaniri kungonzi ane mhosva pasina umbowo hunoratidza kuti ane mhosva 9

Select target paragraph3