mubhadharo waanopiwa. Asiwo muridzi wemunda anobhadharwa zvivakwa zvaangange akavakapo munda usati watorwa. Kodzero yekuwana fundo Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana upi zvake ari pamutemo ane kodzero idzi: • • muZimbabwe zviri Kuwaniswa nehurumende dzidzo yemavambo kana yevakuru. Kuwaniswa fundo yepamusoro nehurumende kuchindiswa mitemo yakakodzera kana dzimwe nzira. Zvinotarisirwa kuti nekufamba kwenguva, hurumende inofanira kuona kuti fundo yepamusoro iyi inowanikwa nemunhu wese zviri nyore uye nemari inokwanisika. Munhu wese anobvumidzwa kuvhura chikoro chake pauzima asi haafaniri kuita rusaruro pavana vangada kudzidzapo sezvinoreva Bumbiro renyika. Zvichienda nekuwana kwainoita, Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba kwenguva, kodzero iyi inozadziswa. Kodzero yekuwana hutano Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana upi zvake ari muZimbabwe zviri pamutemo ane kodzero yekuwaniswa hutano kusanganisira kodzero yekuita vana. Munhu wese ane chirwere chatora nguva ndefu ainacho ane kodzero yekuwana kurapwa chirwere ichocho. Every person living with a long-term illness has the right to access basic health care services for the illness. Hapana munhu anofanira kurambidzwa rubatsiro rwechimbichimbi pachipatara chipi zvacho chiri munyika muno. Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba kwenguva, yatora matanho ekuti kodzero iyi izadzikiswe. Kodzero yekuwana chikafu nemvura Munhu wese ane kodzero yekuwana mvura yakachena ine hutano uye chikafu chakakwana. Naizvozvo, zvichienda nekuwana kwainoita, Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba kwenguva, kodzero iyi inozadziswa. Kodzero dzewanano Munhu wese ava nemakore anopfuura 18 ekuzvarwa anekodzero yekuwana kana kuwanikwa achitangawo mhuri yake. Hapana munhu anofanirwa kumanikidzwa kuwana kana kuwanikwa kana asingadi hake. Vanhurume kana vanhukadzi havabvumidzwi kuwanana pachavo. 11

Select target paragraph3

Add to table of contents