Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba kwenguva, yatora matanho ekuti kodzero iyi izadzikiswe. Kodzero dzevanhu vakaremara Hurumende, sekuwana kwayo inofanira kutora matanho ekuona kuti vanhu vakaremara vakwanisirwa kusvika pavanogona kuitira kuti:  Vagone kuzviraramira;  Vagone kugara nemhuri dzavo vachiwaniswa mukana wekuita zvese zvinoitwa mavagere;  Vachengetedzwe kubva kune zvese zvekuvashandisa nekuvashungurudza;  Vakwanise kuwana rubatsiro rwekurapwa kungavabatsira pahurema hwavo;  Vawanirwe pekudzidza pakavakodzera uye  Vabhadharirwe kufunda kwavo nehurumende Kodzero dzevarwi verusununguko Varwi ava ndivo vaya vakarwa kana kubatsira varwi vechimurenga kana kuti vakasungwa kana kuiswa muubatwa munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe. Vanofanira kurangarirwa pamusoro pezvavakaita muhondo yekusunungura Zimbabwe uye vawane rubatsiro rwewurufeya rwakaita sepenjeni kana kurapwa. Paramende inofanira kudzika mutemo wekuti vawane zvakavakodzera zvataurwa pamusoro. 4. Kodzero idzi dzingadzikiswa here? Bumbiro idzva rinopa mukana wekudzikisa kodzero idzi tichienzanisa neBumbiro rekare pakuti rinotaura paya pangatadzikana kutevedzwa kodzero dzacho. Chikamu chino chinopa zvinhu zvizhinji zvinofanira kucherechedzwa, kusanganisira kuti kutadzikana uku kune chekuita nezvinotarisirwa neruzhinji here, mhando yekodzero yacho uye pangasvika kukundikana kwacho. Dzimwe kodzero hadzigoni kumbodimurira dzakaita sekodzero yekurarama (kunze kwekutongerwa rufu), kubatwa nehuremu hwemunhu, kusarwadziswa kanakubatwa nenzira isingakodzeri munhu, kodzero yekusaitwa nhatapwa uye kodzero yekutongwa mumatare zvakakodzera. Kunze kwechinyorwa chekugona kushomedza kodzero chapiwa pamusoro, Bumbiro rinobvumidza kudzikwa kwemutemo wekurerutsa kodzero kana paita dambudziko rechimbichimbi rauya pasina gadziriro. 5. Chiga chekodzero chinga shandurwa here? Hongu. Chiga cheKodzero chiri muBumbiro renyika uye Bumbiro racho rinogona 13

Select target paragraph3

Add to table of contents