Kodzero yekubatwa neruremekedzo rwakakodzera munhu Munhu wese ane ruremekedzo rwekuzvarwa narwo mukurarama kwake pachake ega kana kuti pakati peruzhinji. Ruremekedzo irworwo runofanira kukosheswa nekuchengetedzwa. Ruremekedzo urwu runosimbaradzwa chose muBumbiro renyika. Harungovi kodzero yakamira yega pachayo muchikamunyana 51, asi kutoti ndechimwe chehwaro kana kuti misimboti wechikamu 3. Sezvamborehwa kare, kuremekedza munhu ndicho chimwe chezvinhu zvinofanira kucherechedzwa nedare redzimhosva paya parinoshandisa nekutsanangura mashandiro eBumbiro remitemo yenyika. Kodzero yekuchengetedzwa Munhu wese ane kodzero yekuchengetedzamuviri wake uye kushandisa pfungwa dzake sezvaanoda (asi zvisingakanganisi kodzero dzevamwe). Izvi zvinosanganisirara:    kodzero yokusawirwa nemhirizhonga; kodzero yokusarudza zvaunoda maererano nokuita vana uye kodzero yokusashandiswa mutsvakurudzo dzezvemishonga kana kubviswa dzimwe nhengo dzemuviri wako zvisina mvumo yako. Kodzero yekusarwadziswa kana kubatwa nenzira inodzikisira chimiro chako semunhu Munhu haabvumidzwi kurwadziswa pamuviri wake kana mupfungwa. Haabvumidzwe zvakare kubatwa nenzira inodzikisira chimiro chake semunhu. Kodzero yekusaitwa nhapwa kana muranda Hakuna munhu anokodzera kubatwa senhapwa kana kurambidzwa kuzvisarudzira zvaanoda kuita kana kuita mararamiro ake aanoda. Kodzero yekusashanda basa rechibharo Hapana munhu anofanira kumanikidzwa kuita basa raasina kuzvisarudzira pachake. Kubatwa zvakafanana nevamwe vese nekusaitirwa rusaruro Mutemo unotora vanhu vese sevakafanana uye yane kodzero yekuchengetedzwa nemutemo. Varume kana vakadzi vane kodzero yekupiwa mikana yakafanana pane zvese mukurarama kwavo nemunyaya dzematongerwo enyika. Hapana munhu 5

Select target paragraph3