Hama dzinodiwa munaKristu, navanhu vose vomuZimbabwe [1] Isu maBhishopi eChiKatorike omuZimbabwe, tinokunyorerai tsamba ino panguva iyo nyika yedu iri kugadzirira sarudzo ichaitwa musi wa30 July 2018. Iyi inguva yakakosha zvikuru munhoroondo yenyika yedu. Kuvazhinji vomuZimbabwe, zvakaitika muna November 2017 zvakaratidza kuti nyika yedu yapinda muchinhanho chitsva chenhoroondo iyi. Izvi zvakaita kuti vazhinji vakurumidze kuzvigamuchira nomufaro. Kunyange zvazvo kuonekwa kwamauto nemota dzehondo mumigwagwa yedu zvaityisa, vanhu vakakurumidza kuziviswa kuti hapana mhirizhonga. Voruzhinji vakabva vapindawo mumigwagwa vachitsigira nokupembera, vakabatana. Pane vamwe vakasungwa namasoja, tikanzwa kuti vamwe vakarohwa, tikanzwawo kuti pane vamwe vakapaza vachiba. Takanzwawo kuti pane vamwe vanhu vakafa. Tinotenda Mwari kuti mhirizhonga iyi haina kuenderera mberi mukuparadza zvinhu zvizhinji. Mauto akagona kudzorera hutongi kuhurumende isiri yechiuto, mutungamiri mutsva wenyika akagadzwa pachigaro. Izvi zvakagamuchirwa nomufaro navazhinji muZimbabwe nevari kunze kwenyika. Vanhu vakanzwa kusununguka zvikuru, kutya kukapera, vakava netarisiro mune ramangwana: naivowo vanoita zvamatongerwo enyika vakaratidza mweya mutsva wokuda kubata pamwechete. Mune izvi zvose tinotenda Mwari zvikuru. [2] Mumwedzi mitanhatu yakatevera zviitiko izvi takaona zvikonzero zvizhinji zvinotipa tarisiro yakanaka. Hurumende noMutungamiri wayo vakapa mukana mutsva wokuti vanhu vapinde mune zvamatongerwo enyika, nokupa mukana wokuti vanhu vasununguke kutaura zvavanoda. Vakavimbisawo kuti kuchava nesarudzo vanhu vakasununguka, pasina kubirwa, zvinhu zvose zviri pachena, zvinozoita kuti pasava nemakakatanwa pane zvinenge zvabuda musarudzo. Sarudzo ichaitwa iri pasi pomutemo wesarudzo mutsva namapazi anoona nezvesarudzo akagadziridzwa. Vedzimwe nyika vachabvumidzwawo kuongorora zvinenge zvichiitika panguva yesarudzo. Makurukota eHurumende naMapazi ayo ava nezvinangwa zvaanofanira kuzadzisa nokuonekwa achiita. Pane kungotaura nezveuori, tava kuona vamwe vanhu vane zvinzvimbo vachikwidzwa kumatare edzimhosva uye mapazi eParamende anoongorora kushanda kuri kuita Makurukota eHurumende ava kutanga kushandisa masimba awo. 1

Select target paragraph3