1. (Chekutanga) Munhu wese anenge apomerwa mhosva iyo ingaita kuti apiwe chirango, anekodzero yokubatwa somunhu asina mhosva kusvikira pawanikwa umbowo hokuti anemhosva, achizobatwa nayo pamberi poruzhinji nedare, apo paanenge apihwa mukana wezvose zvaangade pakuzvimirira. 2. (Chechipiri) - Hapana munhu anofanirwa kunzi anemhosva pamutemo wenyika kana mutemo wenyika dzepasi pose, panguva yechiitiko ichocho. Uyewo hapana chirango chakapfurikidza chinofanirwa kutemerwa munhu chisingawirirani nechirango chaikodzera panguva yokuparwa kwemhosva yacho inenge iripadare. 12. Chisungo cheGumi neMbiri Hakuna munhu achafanirwa kuongororwa zvisiripamutemo munezvemagariro ake, zvemhuri yake, musha wake kana matsamba ake, uyewo kushorwa nokuderedzerwa pahunhu, nechimiro chake. Munhu wese anekodzero yokudzivirirwa nemutemo kubva mukuderedzerwa nekutadzikirwa kwakadaro. 13. Chisungo cheGumi neNhatu 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwokufamba nokugara mukati menyika imwe neimwe. 2. (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yokubuda muneipi zvayo nyika, zvichibatanidza nyika yake, uyewo kudzokerazve kunyika yake. 14. Chisungo cheGumi nena 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokutsvaga nekupiwa pekupotera kunedzimwe nyika kana ari kuvhundutsirwa. 2. (Chechipiri) - Iyi kodzero haigone kushandiswa kana asungwa pachokwadi nemhosva dziri pachena kuti hadzisi dzezvematongerwo

Select target paragraph3