muzvidzidziswa, kuitwa kwazvo, munamatirwo kana mumacherechedzerwo
azvo.
19. Chisungo cheGumi nePfumbamwe
Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwemaonero ake pasina
kukanganiswa, rwekutsvaga, rwekuudzwa kana rwekuzivisa mashoko
nemafungiro neipi zvayo nzira zvisineyi nezvemiganhu yenyika.
20. Chisungo cheChimakumi maviri
1. (Chekutanga) Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko
rwokusangana nokuvanamwe murunyararo
2. (Chechipiri) - Hapana munhu anofanirwa kumanikidzwa kuvenhengo yeripi
zvaro bato.
21. Chisungo cheChimakumi maviri nemwe
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokubatsira mukutongwa
kwenyika yake, pachake kana kuburikidza nekuvamiriri vakasarudzwa
zviri pachena.
2. (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yakaenzana yokushandira
hurumende yomunyika yake.
3. (Chechitatu) - Zvido zvevanhu ndizvo zvchava musimboti wemasimba
okutonganawo hurumende: zvido izvi zvicharatidzwa nguva nenguva
nesarudzo iri pachokwadi iyo ichange ichizoitwa nomunhu wese
anekodzero yokuvhota, sarudzo iyi ichaitwa vanhu vakasununguka uye
zvisina kubiridzira .
22. Chisungo chechimakumi maviri nembiri
Munhu wese, senhengo yorudzi, anekodzero yokuwana magariro akanaka, uye
anofanirwa kuwana kubva mumushandira pamwe wenyika dzepasi pose