•
•
•
•
•
•
•
•
•
•
•
•
Kukasira kuudzwa mhosva yaanopomerwa;
Kupiwa nguva nomukana wakakwana wokuti agadzirire uchapupu hwake;
Kupiwa mukana wekumiririrwa negweta raanoda achibhadhara iye;
Hurumende imutsvagire gweta ichibhadhara iyo, kana zvakakodzera, kuitira kuti
musungwa asabatwa zvisakakodzera;
Kuve nemuturikiri anotaura rurimi rwaanonzwisisa;
Kunge aripo panotongwa mhosva yake;
Kupa uchapupu uye kukwikwidza uchapupu hunenge hwapiwa;
kuti akwidze nyaya yake kumatare epamusoro;
kuti nyaya yake iwongororwe nedare repamusoro;
kuti nedzimwe nguva, kana umbowo hwapiwa husina kuwanikwa nenzira
inobvumwa neChiga Chekodzero husashandiswa mudare;
kuti asabatwa nemhosva kana zvaanopomerwa zvisati zvava kutorwa sekutyora
mutemo uye kana zvisisatorwi semhosva panguva iyoyo;
kuti asatongerwa mhosva yaakambotongerwa kare akaregererwa, akasabatwa
nemhosva kana kuti akasungirwa
kuti apiwe zvinyorwa zvematongerwo aitwa nyaya mushure menguva pfupi abva
mukutongwa, mushure mokunge abhadhara kamuripo kanodiwa
Kodzero dzekuva nezvinhu
Munhu wese ane kodzero yokuva nezvinhu zvake, kuzvitengesa, kuzvipa umwe
munhu, kuzvitsinhisa,kana kuzvitengesa iye ari ega kana kuti akabatana nevamwe;
Munhu wese ane kodzero yokusatorerwa zvinhu zvake nechisimba kunze
kwekunge chiitiko ichi chichitsigirwa nemutemo kana kuti zvichiitirwa
kuchengetedza kodzero dzeruzhinji. Kunge izvi zvaitika, muridzi wezvinhu zvacho
anofanira kuziviswa nguva ichipo uyevaya vatenga zvinhu zvacho vanofanira
kubhadhara zvakakodzera. Mukati memazuva 30 vatenga, vaya vatenga
vanofanirazve kupiwa magwaro kudare anoratidza kuti vatenga zvechokwadi.
Uya ari kutengerwa anekodzero yekukwikwidza kumatare kutengeswa kwezvinhu
zvake kana kupokana nemutengo uri kupiwa. Kodzero iyi inodzikiswa kana pava
panyaya dzine chekuita neminda sezvakatsanangurwa pasi:
Kodzero yemunda
Hurumende inogona kutora munda zvechisimba kana ichida kugovera vamwe
vanhu, kushandisa munda wacho kuita zvimwe, kuita masango, kuchengetedza
zvimerwa nezvimwe zvingavamo,kuchengeteramo mhuka kana zvimwe
zviwanikwa kana kutamisa vanhu. Kana munda watorwa nenzira iyi, unobva
wava wehurumende zvachose.
Kuchitevedzwa bumbiro renyika, muridzi wemunda watorwa nenzira iyi hapana
10