mubhadharo waanopiwa. Asiwo muridzi wemunda anobhadharwa zvivakwa
zvaangange akavakapo munda usati watorwa.
Kodzero yekuwana fundo
Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana upi zvake ari
pamutemo ane kodzero idzi:
•
•
muZimbabwe zviri
Kuwaniswa nehurumende dzidzo yemavambo kana yevakuru.
Kuwaniswa fundo yepamusoro nehurumende kuchindiswa mitemo yakakodzera
kana dzimwe nzira. Zvinotarisirwa kuti nekufamba kwenguva, hurumende
inofanira kuona kuti fundo yepamusoro iyi inowanikwa nemunhu wese zviri
nyore uye nemari inokwanisika.
Munhu wese anobvumidzwa kuvhura chikoro chake pauzima asi haafaniri
kuita rusaruro pavana vangada kudzidzapo sezvinoreva Bumbiro renyika.
Zvichienda nekuwana kwainoita, Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba
kwenguva, kodzero iyi inozadziswa.
Kodzero yekuwana hutano
Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana upi zvake ari
muZimbabwe zviri
pamutemo ane kodzero yekuwaniswa hutano kusanganisira kodzero yekuita vana.
Munhu wese ane chirwere chatora nguva ndefu ainacho ane kodzero yekuwana
kurapwa chirwere ichocho. Every person living with a long-term illness has the right
to access basic health care services for the illness. Hapana munhu anofanira kurambidzwa
rubatsiro rwechimbichimbi pachipatara chipi zvacho chiri munyika muno.
Hurumende inofanira kuona kuti nekufamba kwenguva, yatora matanho ekuti
kodzero iyi izadzikiswe.
Kodzero yekuwana chikafu nemvura
Munhu wese ane kodzero yekuwana mvura yakachena ine hutano uye chikafu
chakakwana. Naizvozvo, zvichienda nekuwana kwainoita, Hurumende inofanira
kuona kuti nekufamba kwenguva, kodzero iyi inozadziswa.
Kodzero dzewanano
Munhu wese ava nemakore anopfuura 18 ekuzvarwa anekodzero yekuwana kana
kuwanikwa achitangawo mhuri yake. Hapana munhu anofanirwa kumanikidzwa
kuwana kana kuwanikwa kana asingadi hake. Vanhurume kana vanhukadzi
havabvumidzwi kuwanana pachavo.
11
Select target paragraph3
Add to table of contents