kushandurwa. Asi zvinonetsa kushandura Chiga cheKodzero pane kushandura Bumbiro sezvo zvingada kushandurwa muchiga zvichifanira kuinda kusarudzo inoitwa nenyika yose (referendum). 6. Kodzero idzi dzinomanikidzwa kutevedzerwa nenzira ipi? Bumbiro rakapa nzira dzakawanda muChitsauko 4 dzekuti kodzero idzi dzitevedzerwe. • Bumbiro idzva renyika rakaumba dare rinoona nezvekutevedzerwa kweBumbiro rinonzi Constitutional Court. Asi kwemakore 7 mushure mekutambirwa kweBumbiro iri, vatongi vemuDare guruguru rinonzi Supreme Court ndivozve vachagara sedare rinoona nezvekutevedzerwa kwe Bumbiro (Constitutional Court). • Kana munhu akafunga kuti kodzero dzake sokupiwa kwadzakaita muChiga cheKodzero dzavhiringidzwa kana kuti dzingangovhiringidzwa, anogona kunyorera ku Constitutional Court kuti zvigadziriswe. Bumbiro idzva rinobvumirawo kuti umwe munhu amiririre uya asingakwanisi kuinda kudare iri, kana kumiririra zvido zveboka kana nhengo dzaro, kana zveruzhinji rwevanhu, anokwanisa kuinda kudare iri achisvitsa chichemo. Uya aenda kudare iri anofanira kunge achidudza kuti imwe yekodzero dziri muChitsauko 4 yatyorwa kana kuti ingangotyorwa.Ipapo dare rinogona kuona zvaringaita kugadzirisa chichemo chacho. • Munhu anogona kukumbira mutongi wedare, mejasitiriti kana upi anenge achimira semutongi kuti apfuudze nyaya yake kuConstitutional Court kana ingave nechekuita nekutyorwa kweChiga cheKodzero. Mutongi wedare kana mejasitiriti anofanira kutotambira chikumbiro ichi kunze kwokuti zvaonekwa kuti chikumbiro ichi hachina hwaro kana kuti inongova nzira yokuda kutambisa nguva. • Mapoka (makomisi) anonzi maIndependent Commissions anova anotsigira utongi hwejechetere akaiswawo muBumbiro senzira yekukurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu zvikuru mapoka anoti Zimbabwe Human Rights Commission uye Gender Commission. MaCommissions iwaya anogona kuferefeta kutyorwa kwekodzero asi haagoni kupa mitongo kana zvisungo zvine simba rinenge rematare edzimhosva. 14

Select target paragraph3

Add to table of contents