kuriritirwa. Mapato echitenderi anobvumidzwa kuvaka zvikoro zvinodzidzisa
chitenderi chavo.
Kusununguka kutaura mafungiro ako uye kusununguka kwenhepfenyuro
nemapepanhau nezvimwe zvinofambisa mashoko
Munhu wese ane kodzero yekutaura mafungiro ake. Kodzero iyi inosanganisira:
• Kutsvaga, kugashira nekutumidzira pfungwa dzako nemamwe mashoko;
• Kutaridza umhizha hwako pane upi zvawo mutambo. Kushambadza
zvawakatsvakurudza, umhizha hwekufunga nekuita zvinhu zvitsva, kutaura
nezvedzidzo wakasununguka;
Panowedzerwawo:
• Rusununguko rwemapepanhau nedzimwe nzira dzekufambisa mashoko uye
vatapi venhau havamanikidzwi kudura kwavanenge vawana zvavanonyora.
• Zvinobvumidzwa kutanga nhepfenyuro nedzimwe nzira dzemagetsi
dzekufambisa mashoko chikuru mitemo yekuzvivamba ichinge
yatevedzerwa.
• Nhepfenyuro uye mapepanhau ehurumende haafaniri kuva nedivi
raakarerekera. Zvinofanira kusununguka kupa pfungwa dzazvo
(zvichienderana netsvakurudzo dzinenge dzaitwa) kunyangwe pfungwa
idzi dzisingapindirani nedzehurumende.
• Rusununguko rwokutaura pfungwa dzako nerusununguko rwemapepanhau
harubvumidzi kukurudzira mhirizhonga, ruvengo kana kutangotaura zvisina
maturo pamusoro pevamwe. Harubvumidziwo kungoshambadza zvakavanzika
zvevamwe pasina chikonzero chakatsarukana.
Kuwana ruzivo rwezvinoitika
Chizvarwa chese chemuZimbabwe kana uya ava mugari wemo zvachose ane
kodzero yekuwana ruzivo rwaanoda kubva kuhurumende kana ruzivo irworwo
ruchida kushandiswa kukurudzira hurumende kuita zvainotarisirwa. Kodzero
iyoyi inowanikwavo nezvimwe zvisiri vanhu chaivo (semakambani) nezvese
zvinofambisa mashoko. Pamusoro pezvo, munhu wese ane kodzero yekuwana
mashoko (kana ruzivo) zvaanoda kubva kune umwe munhu, kusanganisira
hurumende kana achida kuzvishandisa kuchengetedza kodzero.
Munhu wese anobvumidzwa kukumbira hurumende kana mamwe mapazi ayo
kudzima mashoko asiri iwo, kana asiri echokwadi pamusoro pake.
Panofanirwa kudzikwa mutemo unosimbisa izvozvi. Mutemo iwoyo unofanira
kuonawo kuti rumwe ruzivo harufaniri kungowanikwanje kana rwune chekuita
nekuchengetedzwa kwenyika kana kuchengetedza mamwe mabasa. Asi kusangopa
7