utongi hwegutsaruzhinji.
Nhanganyaya yeBumbiro redu Romutemo inogona kutibatsira kuti
tinyatsoumba tiri pamwechete Muono weNyika yedu.
[9] Kana sarudzo yedu iri kuuya iyi ikafamba zvakanaka, zvinorevawo kuti
nyika yedu yeZimbabwe ichadzokera mukudyidzana zvakare nedzimwe
nyika dzose dzapasi pano. Mhuri imwe neimwe inorarama nokuwana kubva
kuna vamwe zvinhu zvaisingagoni kuzviitira iyo pachayo, zvakaita
sezvikoro nokuchengetedza mutemo. Ndizvo zvimwechetewo nenyika
imwe neimwe, kuti inobudirira nokushanda pamwe nedzimwewo nyika uye
nokudyidzana nenyika dzakaipoteredza. Zimbabwe inofanirawo kuti
ibatsire mukuwanisa zvakanikira ruzhinji kuvanhu vapasi pano. Kutaura
kuno, vanhu vazhinji vomuZimbabwe vari kushanda kunze kwenyika ino,
vachibatsira zvikuru nyika dzavari kugara mune zvoutano, zvedzidzo
nezvamabhizimusi nezvimwewo. Vechidiki vazhinji vanoenda
kumisangano yevezera ravo inoitwa kunze kwenyika.
Savanhu vomuZimbabwe, tinofanira kuwanikwa tichibatsirana navamwe,
takangoenzana navo, uye tiine chiremera chakakwana, tichigadzirisa
zvinetswa zvakaita sokutama kwavanhu kubva munyika yavo vachienda
kune dzimwe, kuchengetedza nharaunda, kurwisa mhirizhonga noumhondi
(terrorism), zvinokurukurwa mumibatanidzwa yenyika yakaita seSADC,
African Union, Commonwealth neUnited nations.
[10] Muono uyu weThe Zimbabwe We Want unobva mudzidziso yeSangano
Katorike Pamusoro Pokugarisana Kwavanhu (Catholic Social Teaching),
rinova denhe roruzivo runobva muShoko Rakanaka runochengetedzwa
neSangano kuitira vanhu vapasi pose. Isu, maBhishopi enyu, tinokurudzira
VaKatorike vose kuti vaverenge nokufungisisa pamusoro pegwaro iri
rinonzi The Zimbabwe We Want, pamwe netsamba dzedu dzoufudzi The Cry
of the Poor (June 2005) neLet Us Work for the Common Good (January
2011).
Tinokurudzira zvikuru maUnivhesiti eChiKatorike nezvimwe zvikoro
zvedzidzo yapamusoro kuti vabatsire vanhu vari kuzosarudza vatungamiri
musi wa30 July 2018 nokutaurirana pamusoro penyaya idzi, kuti vasarudze
7