vakatarisa Zimbabwe yatinoda tose. Ngatiyeukei mazwi aJesu aanogara achidzokorora kwatiri mazuva ano: “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwoyu unoti, 'Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako'” (Mateu 22:37-39). Ngatishandisei sarudzo iyi kuzadzikisa mutemo uyu muna zvose, zvikuru muruenzaniso nomurudo. [11] Zvose izvi hazvigoni kubudirira kana pasina munamato. Tiri panguva itsva yeshanduko munhoroondo yeZimbabwe, nguva yenyasha dzaMwari. Isu Vafudzi venyu tinokumbira kuti maparishi, zvikoro, mapoka avapikiri, maunivhesiti namakorichi ashandise munamato unotevera munhu ari oga kana kuti akabatana navamwe. Tinokurudzira vapristi, vapikiri navatenderi navose vanhurume navanhukadzi vakarurama kuti varatidze kubatana kwedu, rutsigiro noruvimbo muna Mwari, nokuva zvapupu zvechitendero chedu muMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu, nokunamata pamwechete nesu tichiparidzira shoko retsamba ino youfudzi. 8

Select target paragraph3