Hama dzinodiwa munaKristu, navanhu vose vomuZimbabwe
[1] Isu maBhishopi eChiKatorike omuZimbabwe, tinokunyorerai tsamba
ino panguva iyo nyika yedu iri kugadzirira sarudzo ichaitwa musi wa30 July
2018. Iyi inguva yakakosha zvikuru munhoroondo yenyika yedu. Kuvazhinji
vomuZimbabwe, zvakaitika muna November 2017 zvakaratidza kuti nyika
yedu yapinda muchinhanho chitsva chenhoroondo iyi. Izvi zvakaita kuti
vazhinji vakurumidze kuzvigamuchira nomufaro. Kunyange zvazvo
kuonekwa kwamauto nemota dzehondo mumigwagwa yedu zvaityisa,
vanhu vakakurumidza kuziviswa kuti hapana mhirizhonga. Voruzhinji
vakabva vapindawo mumigwagwa vachitsigira nokupembera, vakabatana.
Pane vamwe vakasungwa namasoja, tikanzwa kuti vamwe vakarohwa,
tikanzwawo kuti pane vamwe vakapaza vachiba. Takanzwawo kuti pane
vamwe vanhu vakafa. Tinotenda Mwari kuti mhirizhonga iyi haina
kuenderera mberi mukuparadza zvinhu zvizhinji. Mauto akagona kudzorera
hutongi kuhurumende isiri yechiuto, mutungamiri mutsva wenyika
akagadzwa pachigaro. Izvi zvakagamuchirwa nomufaro navazhinji
muZimbabwe nevari kunze kwenyika. Vanhu vakanzwa kusununguka
zvikuru, kutya kukapera, vakava netarisiro mune ramangwana: naivowo
vanoita zvamatongerwo enyika vakaratidza mweya mutsva wokuda kubata
pamwechete. Mune izvi zvose tinotenda Mwari zvikuru.
[2] Mumwedzi mitanhatu yakatevera zviitiko izvi takaona zvikonzero
zvizhinji zvinotipa tarisiro yakanaka. Hurumende noMutungamiri wayo
vakapa mukana mutsva wokuti vanhu vapinde mune zvamatongerwo
enyika, nokupa mukana wokuti vanhu vasununguke kutaura zvavanoda.
Vakavimbisawo kuti kuchava nesarudzo vanhu vakasununguka, pasina
kubirwa, zvinhu zvose zviri pachena, zvinozoita kuti pasava nemakakatanwa
pane zvinenge zvabuda musarudzo. Sarudzo ichaitwa iri pasi pomutemo
wesarudzo mutsva namapazi anoona nezvesarudzo akagadziridzwa.
Vedzimwe nyika vachabvumidzwawo kuongorora zvinenge zvichiitika
panguva yesarudzo. Makurukota eHurumende naMapazi ayo ava
nezvinangwa zvaanofanira kuzadzisa nokuonekwa achiita. Pane kungotaura
nezveuori, tava kuona vamwe vanhu vane zvinzvimbo vachikwidzwa
kumatare edzimhosva uye mapazi eParamende anoongorora kushanda kuri
kuita Makurukota eHurumende ava kutanga kushandisa masimba awo.
1