Mutungamiri wenyika ari kushanda zvakasimba kuti tiwane mari yekunze kwenyika yaanoona ichidiwa "kuti zvoupfumi hwenyika zvitange kushanda zvakanaka zvakare". Zvakadaro hazvo, pane vamwe vari kutsoropodza shanduko iri kuitika iyi vachiti haitevedzeri Bumbiro roMutemo wenyika, zvikuru pakuti pokutanga mauto akapindira uye ari kuramba ari mune zvematongerwo enyika. Izvi zvinogona kuita kuti vanhu vasazosununguka mumakore anotevera. Dzimwe nguva zviri kuratidza sokuti hurumende iri kusunga zvine rusarura vanhu vanoonekwa noruzhinji sevane huori, vamwe vachiregerwa nokutopiwa zvinzvimbo muHurumende. Voruzhinji vomuZimbabwe vari kuratidza kusafara kuti shanduko yanga yakatarisirwa haisi kuonekwa, zvikuru pakushaikwa kwamabasa napakushaikwa kwemari munyika. Mari yedu iri kutengeswa nokuchinjaniswa nemari yedzimwe nyika nomutengo wakasiyana siyana, zvisiri pamutemo. Hapana zviri kumboitwa kumisa izvi. Izvi zviri kuita kuti vashoma vasina mwoyo vapfume zvakanyanya. Sarudzo: Kutanga Patsva [3] Sarudzo inosungirwa neBumbiro redu Romutemo zvayakadai kudaidzirwa, tinokunyorerai kuti tinyatsofunga pamwechete nemi kukosha kwesarudzo iyi panguva ino yenhoroondo yenyika yedu. Kuvanhu vomuZimbabwe, sarudzo yanga iri nguva yetarisiro huru nokufara kana kuti nguva yokutya nokushatirwa, zvichiguma nokurasa mwoyo. Ichokwadi kuti sarudzo pachayo haigoni kugadzirisa matambudziko edu ose. Asi sarudzo ikatorwa sechimwe chinhano muurongwa hwokusandura zvinhu munyika, inogona kuva nguva yokuti vanhu vose vazvipire kushandira nyika yavo zvizere. Tinotendera, uye tine chivimbo nokunamata kuti sarudzo iri kuuya musi wa30 July 2018 ichava nguva yokuti tose tizvipire patsva. Sarudzo inoitwa murusununguko nomuruenzaniso rwechokwadi ichatibatsira kuti tidzokerezve pakutevedzera Bumbiro redu Romutemo, uye kuti 'zvido zvavanhu' zvitsinhire zvakaitika muna November 2017. Nokudaro vanhu vose vomuZimbabwe vanofanira kubvisa kutya nokurasa mwoyo kwakakonzerwa nesarudzo dzakapfuura, vagadzirire zvakanaka uye 2

Select target paragraph3