nomazvo kupinda mune zvose zvesarudzo iyi yakakosha kudayi muutongi hunofadza ruzhinji. Kurwisana nokukandirana mabhomba nezvinokuvadza kuchangobva kuitika kunosuwisa uye hakukurudzirwi sezvo kuchidzosera shure budiriro yenyika. [4] SamaBhishopi eChiKatorike, sarudzo dzakapfuura dzisati dzaitwa, takataura pamusoro pezvinodikanwa kuti sarudzo dzinzi dzakaitwa murusununguko nomuruenzaniso. Takagoverana nemi pfungwa dzedu pamusoro pokuti VaKristu navamwe vanhu vanotarisira chii kuti vaite sarudzo vakasununguka, zviri maererano neBumbiro redu roMutemo. Mutsamba yedu inonzi "Only When Power Stands Under God's Blessing Can It Be Trusted" (yatakanyora muna December 2007, tisati taita sarudzo ya2008), takataura kuti: "...tinokurudzira Hurumende namapato ose ari kukwikwidza kuti aumbe kugarisana kwakanaka kwavanhu, aite zvamatongerwo enyika zvakanaka, nokuumba upfumi hwenyika nenzira inosimudzira hunhu kwakanaka". Takakurudzira kuti vanhu vaite sarudzo vakasununguka, zvine ruenzaniso, zvinoita kuti sarudzo igamuchirike navanhu vomunyika muno uye nevedzimwe nyika. Mukutaura izvi chinangwa chedu chaiva chokuvaka hwaro hwoUmambo hwaMwari pasi pano, Umambo hworunyararo norugare, rudo, ruenzaniso norusununguko. Iri ndiro basa guru reSangano. [5] Muna March 2013, mutsamba yedu inonzi Zimbabwe Elections and the God of Second Chances (yatakanyora sarudzo ya2013 isati yaitwa), takati: “Tinokurudzira mapato ose ari kukwikwidza kuti anyorerane chibvumirano chamaitiro nokuzvibata kunotarisirwa kumapato ezvamatongerwo enyika omuZimbabwe (The Zimbabwe Political Parties Code of Conduct)". Mapato ose anofanira kunge akasununguka kukwezva vanhu nokushambadzira zvirongwa zvawo achichengetedza chibvumirano ichi, kuitira kuti vanosarudza vose vazviite vakasununguka uye vaine ruzivo rwakakwana. Takataura kuti: "Mapato anokwikwidza musarudzo iri kuuya anofanira kuwaniswa mukana wakaenzana wokutaurwa nokunyorwa nezvawo munhepfenyuro namapepanhau enyika. Vanhu vanosarudza vane kodzero yokuwana ruzivo ruzere vasati vasarudza vanhu vavanoda kuti vavatonge." Panguva ino tinoda kutsinhira kuti iyi ikodzero inotsigirwa neBumbiro Romutemo wenyika: sarudzo inoitwa nomunhu asina ruzivo 3

Select target paragraph3