rwakakwana haisi sarudzo inoitwa murusununguko. Tinofara nourongwa hwokugadzira Voters' Roll, zvikuru kushandiswa kwakaitwa ruzivo nounyanzvi hutsva hwamazuva ano. Zvose zvinobatsira kuti sarudzo dzedu dziitwe zviri pachena, pasina kuhwandirana, zvinobatsira kuti zvinobuda musarudzo zvigamuchirike navagari vomuno muZimbabwe navari kune dzimwe nyika. Maitiro okuvhota nokuverengwa kwamavhoti musi wokuvhota zvinofanira kugadzirirwa nokurongwa zvakanaka, paine kuchengetedzeka kwakarurama, zviine unyanzvi huzere, zvichiita kuti vanhu vanosarudza vazive ivo voga kuti ndiani wavasarudza, pasina mumwe ari kuona. Sarudzo inofanirawo kuti avo vakabvumidzwa kuoongorora zvose zviri kuitika vaitewo basa ravo nomazvo. [6] Kuvanhu vose vachavhota, tinodzokorora zvatakataura mutsamba yedu yomuna February 2002, "A call to Work for Unity, Peace and Harmony" (yatakanyora sarudzo yoMutungamiri wenyika ya2002 isati yaitwa). Takati: "Tinokukurudzirai mose zvakare kuti mushandise vhoti yenyu zvakanaka kuti mubatsire nyika. Shandisai vhoti yenyu, ikodzero yenyu, hapana munhu anogona kukutorerai. Sarudzai wamunoda makasununguka muhana dzenyu. Musatya, hapana anoziva kuti ndiani wamasarudza. Ivai vagari vomunyika muno makasununguka..." SaVaKristu tinonzwisisa basa redu rokuvaka Umambo hwoKudenga pasi pano, basa rokuumba nzvimbo dzatinogara, matinoshandira, matinonamata tiri, uye matinorera vana vedu, tichitevedzera zvatinorairwa neShoko Rakanaka. Jesu akaparidza achiti Umambo hwaMwari ndiko kutonga kwaMwari muupenyu hwavanhu hwakatangira pano pasi, huchizozadzikiswa kudenga. Umambo hunotaurwa naJesu hausi hwoupenyu huchazouya chete, asi mucherechedzo wokuti Mwari anoda kuti nyika ive yakaita sei uye irarame sei. (Mariko 4:26-34). Muna March 2013 (Zimbabwe Elections and the God of Second Chances, sarudzo ya2013 isati yaitwa), takatsanangura zvinofanira kutariswa pavanhu vatinoda kuti vatitungamire nokutimiririra: (1) "Kuzvipira zvizere kushandira vanhu: munhu anoda kusarudzwa haafaniri kungozvifunga iye pachake. Anodisisa kuti vanhu vakamusarudza vagare vari pamwoyo pake. Zvido zvavanhu zvinofanira kumukoshera 4

Select target paragraph3