kudarika zvido zvake iye”; (2) "Anoda kuti basa rifambe: mutungamiri chaiye anoronga mabasa ane zvinangwa zvakatsetseka. Pamusoro pazvo, anogara achitarisa kuti zviri kuzadzikiswa here"; (3) "Anotsanangura basa rose raanoita: munhu anorondedzera kuvanhu zvaari kuita uye kuti ari kuzviitirei. Hazvimunetsi napaduku pose kuti atsanangurire ruzhinji rwavanhu mashandisiro aanoita nemari yavo"; (4) "Anomira pachokwadi: munhu akanaka kusarudza ndouyo anotaura chokwadi. Izvi hazvirevi kuti mutungamiri akanaka munhu anoziva zvose kana asina tsvekwa. Mutungamiri anobvuma kuti akanganisa anowana ruremekedzo kubva kuvanhu nokuti anomira pachokwadi"; (5) "Anochengetedza chiremera chavanhu: Izvi zvinofanira kuwanikwa mumutungamiri woga woga. Mutungamiri akanaka anofanira kuchengetedza chiremera chomunhu. Kodzero dzose dzavanhu dzakaita sekodzero youpenyu, kuwana pokugara pakanaka, kunamata murusununguko, nedzimwe dzakadaro, dzinobva mukuchengetedza nokukurudzira chiremera chomunhu". Mushure meSarudzo: Kuvavarira Matongerwo Enyika Matsva [7] Kuva nesarudzo yakasununguka ine ruenzaniso zvinoreva kuti hapana munhu mumwechete kana boka diki ravanhu rinogona riri roga kuti ava ndivo vakunda musarudzo. Nokudaro zvinoreva kuti pachatova navamwe vachagumbuka nokuda kwezvichabuda musarudzo. Zvatakatarisana nazvo hazvisi nyore. Maonero edu akasiyana uye hatiwirirani kuti tofamba sei tichienda mberi. Zvinogona kuitika kuti sarudzo iyi ichatadza kuburitsa mutungamiri mumwechete kana bato rimwechete rinobva rakunda mamwe ose pokutanga. Asi kana chiri chokwadi, sokunyora kwatakaita muna March 2013, kuti: "Vanhu vazhinji vomuZimbabwe havasisina chivimbo navatungamiri", ichokwadiwo kuti kunyanyisa kuvimba navamwe vatungamiri kana mapato hazvina zvazvakatibatsira. Tinofanira kupinda musarudzo takazvipira kugamuchira zvinenge zvabuda musarudzo yaitwa navanhu murusununguko nomuruenzaniso, zvisinei kuti ndiani akunda kana kuti ndiani akundwa. Zvakaitika muHurumende yomuBatanidzwa (Government of National Unity) ya2009 hazvina kufadza vamwe. Asika, sarudzo inoburitsa kusiyana 5

Select target paragraph3