kwamafungiro avanhu vane huwandu hwakada kuenzana hachisi chiratidzo chokuti sarudzo haina kufamba zvakanaka. Zvinotoratidza kuti sarudzo yabudirira. Izvi zvinotipa mukana wokuti titarise zvamatongerwo enyika nameso matsva, tigone kushanda pamwechete, tichiwirirana nokutaurirana zvine njere noungwaru, tichiremekedza maonero avamwe akasiyana needu. Maitiro akadai anogona kutizarurira musuwo unotipinza muZimbabwe itsva. Zvisinei nezvichabuda musarudzo ino, matongerwo eZimbabwe matsva achada mushandira pamwe tisingatarisi mutungamiri mumwechete kana vaviri voga, zvisinei nokuti vanoonekwa savanogona chaizvo kana kuti vanokwezva vanhu zvakanyanya. Asi panotoda kuchengetedzwa nokukosheswa kwemuono wegutsa ruzhinji, nokuva namatongerwo enyika anochengetedza runyararo, rugare, chokwadi noruenzaniso kuvanhu vose. [8] Naizvozvo tinokukurudzirai kuti musangotarisa sarudzo iyi chete, kunyange zvayo yakakosha zvikuru. Ngatitarisisei mberi tione kuti tinoda Zimbabwe yakaita sei. Chikuru chaicho pokupedzisira ndechokuti hatisi kusarudza hurumende iyi kana iyo, asi kuti tiri kusarudza nyika yamangwana yatinoda kuzvigadzirira isu navana vedu. Nokudaro zvakanaka kuti titarisezve Chikamu Chechitatu (Section 3 “Vision and Values") chegwaro rinonzi "The Zimbabwe We Want: Towards a National Vision for Zimbabwe", rakaburitswa muna September 2006 neEvangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Council of Churches pamwechete nesu. Takanyora tichiti: "Kana pasina anotungamira rudzi runoputsikira pasi (Tsumo 11:14). Zimbabwe inoda muono mutsva unotidzorera kuvimba nezvatiri, chiremera netariro.” Mugwaro iri vamiriri vaVatungamiri veChiKristu vomuZimbabwe vakapa pfungwa dzavo pamusoro peZimbabwe yatinoda vachiti: Muono wedu ndewenyika inozvimiririra yoga, ine utongi hwegutsa ruzhinji hunoonekwa namatongero akanaka huri muhurumende namapazi ayo ose uye nomumaitiro ayo. Muono wedu seZimbabwe Catholic Bishops Conference (ZCBC) ndewevanhu veZimbabwe vakayananiswa, vanogara upenyu hwokuwirirana, hune ruenzaniso norugare, munyika inobudirira iine 6

Select target paragraph3