2. (Chechipiri) - Huzvere kana nguva yohwana hudiki inguva yokubatwa
zvakanaka nokubatsirwa. Vana vese, zvisinei kuti vakaberekwa zvakaita
sei, vachachengetwa zvakayenzana.
26. Chisungo chechimakumi maviri nenhanhatu
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuwana dzidzo iyo ichange iri
pachena , zvikuru panguva yehwana hudiki, inova ndiyo nguva
yakakosha. Dzidzo panguva iyi ichamanikidzirwa. Dzidzo dzezvemibato
yemaoko neyemumahofisi ichaitwa kuti ivepo zvekare, dzidzo iripamusoro
ichawanikwa maererano nemagonero emunhu.
2. (Chechipiri) - Dzidzo ichanangiswa kusimudzira zvakakwana munhu
nokusimbaradza kuremekedzwa kwekodzero dzavanhu uyewo
nerusununguko rwavo runokosha. Dzidzo ichakuridzira kunzwisisa,
kuregererana nohusahwira pakati penyika, marudzi kana mapoka
ezvedzisvondo, uyewo ichatungamidza mabasa emubatanidzwa weNyika
dzepasi pose ekuchengetedzwa kwerunyararo.
3. (Chechitatu) - Vabereki vanekodzero yokusarudza dzidzo ichapihwa
kuvana vavo.
27. Chisungo chechimakumi maviri nenomwe
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuteedza akasungunuka tsika
dzemunzvimbo maanogara kufadzwa nezvemitambo nokubatidzawo
mumabasa ebudiriro.
2. (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yokuwana kuchengetedzwa
kwemararamiro nezvido zvake zvinobva munezvaanamazvi- kokota,
zvemitambo, nemuzvinyorwa izvo anenge akanyora ega.
28. Chisungo chechimakumi maviri nesere