Munhu wese anofanirwa kugara muruwa nemunyika umo munozova nokucherechedzwa zvakakwana kwekodzero norusununguko sekutaurwa kwazvakaitwa mukurudziro ino. 29. Chisungo chechimakumi maviri nepfumbamwe 1. (Chekutanga) - Munhu wese ane zvinhu zvaanofanirwa kuita munzvimbo maanogara umo munozoita kuti iye pachake, agone kuzvisimudzira akasununguka pahunhu hwake zvakakwana. 2. (Chechipiri)- Achishandisa kodzero dzake norusununguko rwake munhu wese achavanomwero wakatarwa nomutemo chete, ndokunge izvi zvichiitirwa kupa cherechedzo noruremekedzo rwunodiwa kukodzero norusununguko rwunodiwa rwavamwe nokuita zvido zvevanhu. 3. (Chechitatu) - Kodzero iyi norusununguko urwu hazvigone kushandiswa nenzira inotyora zvinangwa nedonzvo reMubatanidzwa weNyika dzepasi pose. 30. Chisungo chechimakumi Matatu Hapana chinhu chiri mukurudziro ino chichazotsanangurwa sechinoreva kuti chero ipi zvayo nyika, bato, kana munhu pachake, anekodzero yokuita mabasa kana zviito zvinopwanya ipi zvayo kodzero kana rusununguko zviri mukurudziro ino. KURUDZIRO YEKUCHENGETEDZVA KWEKODZERO DZEVANHU PASI POSE Nezuva reGumi munaZvita mugore ra 1948 Gungano roMubatanidzwa weNyika dzepasi pose rakasarudza ndokuzivisa "Nezvekurudziro yekuchengetedzva kwekodzero dzevanhu pasi pose". Mashoko akakwana ari mumashizha anotevera muchinyorwa chino. Mushure meichi chiitiko chinokosha, Gungano roMubatanidzwa weNyika dzepasi pose rakakumbira nyika dzose dzinova nhengo kuti dzishambadzire zvinyorwa zve Kurudziro ino, kuitira kuti zvinyorwa

Select target paragraph3