zvakakwana nokuchengetedzwa pasi pose nevanhu vemunyika dzinova nhengo
uyewo vanhu vanogara mumatunhu ari pasi penyika idzodzo.
1. Chisungo cheKutanga
Vanhu vese vanoberekwa vakasununguka uyewo vakaenzana pahunhu
nekodzero dzavo. Vanhu vese vanechipo chokufunga nekuziva chakaipa
nechakanaka saka vanofanira kubatana nomweya wohusahwira.
2. Chisungo cheChipiri
Munhu wese anofanirwa kuwana kodzero norusununguko samataurirwo
azvakaitwa mukurudziro ino, pasina kusarura kupi zvako, kwakaita sekwerudzi
rwake, ruvara rwake kana kuti munhurume kana kuti munhukadzi here, mutauro
wake, svondo yake, kana kuti mafungiro ake munezvematongerwo enyika kana
zvipi zvazvo.
Zvekare, hapana kusarura kuchaitwa nokuda kwemamiriro munezvematongerwo
enyika, mutongero kana kuti mamiriro enyika kana dunhu raanogara muneipi
zvayo nyika pasi pose, ingava nyika yakasununguka, nyika iri kufanotongwa,
kana nyika isati yawana kuzvitonga kuzere kana chipi zvacho chipingidzo
pakuzvitonga.
3. Chisungo cheChitatu
Munhu wese anekodzero yokurarama, kuvanerusununguko nokuzvichengetedza
iye omene.
4. Chisungo cheChina
Hapana munhu achachengetwa muhuranda kana kuitwa semuranda, huranda
nekutengeswa kwevanhu neipi zvayo nzira hazvizotenderwi.
5. Chisungo cheChishanu