zvakakwana nokuchengetedzwa pasi pose nevanhu vemunyika dzinova nhengo uyewo vanhu vanogara mumatunhu ari pasi penyika idzodzo. 1. Chisungo cheKutanga Vanhu vese vanoberekwa vakasununguka uyewo vakaenzana pahunhu nekodzero dzavo. Vanhu vese vanechipo chokufunga nekuziva chakaipa nechakanaka saka vanofanira kubatana nomweya wohusahwira. 2. Chisungo cheChipiri Munhu wese anofanirwa kuwana kodzero norusununguko samataurirwo azvakaitwa mukurudziro ino, pasina kusarura kupi zvako, kwakaita sekwerudzi rwake, ruvara rwake kana kuti munhurume kana kuti munhukadzi here, mutauro wake, svondo yake, kana kuti mafungiro ake munezvematongerwo enyika kana zvipi zvazvo. Zvekare, hapana kusarura kuchaitwa nokuda kwemamiriro munezvematongerwo enyika, mutongero kana kuti mamiriro enyika kana dunhu raanogara muneipi zvayo nyika pasi pose, ingava nyika yakasununguka, nyika iri kufanotongwa, kana nyika isati yawana kuzvitonga kuzere kana chipi zvacho chipingidzo pakuzvitonga. 3. Chisungo cheChitatu Munhu wese anekodzero yokurarama, kuvanerusununguko nokuzvichengetedza iye omene. 4. Chisungo cheChina Hapana munhu achachengetwa muhuranda kana kuitwa semuranda, huranda nekutengeswa kwevanhu neipi zvayo nzira hazvizotenderwi. 5. Chisungo cheChishanu

Select target paragraph3