Hapana munhu anofanirwa kurwadziswa kana kuitirwa hutsinye, kubatwa
semhuka kana kuitwa zvinoderedza, kana upi zvawo murangiro wakadaro.
6. Chisungo cheChitanhatu
Vanhu vese vakayenzana pamberi pomutemo uye vanekodzero, pasina
rusarura, yokuchengetedzwa zvakayenzana nomutemo.
7. Chisungo cheChinomwe
Munhu wese anekodzero yokuenzanisirwa chichemo chake zvakakwana
namatare ari pachokwadi emunyika make apo anenge aitirwa zvinotyora kodzero
dzinokosha dzaanopiwa nebumbiro remitemo kana iwo mutemo pachawo.
Munhu wese anenzira yekudzivirirwa yakafanana neyavamwe kubva
murusarurwo rwose zvarwo runotyora mitemo yekurudziro ino.
8. Chisungo cheChisere
Munhu wese anekodzero yekumirirwa nematare kana akatyorerwa kodzero
dzake dzaainadzo pasi pebumbiro remitemo kana mitemo pachayo.
9. Chisungo cheChipfumbamwe
Hapana munhu achasungwa, kupfigirwa mutorongo kana kudzingwa munyika
make zvisiri pamutemo.
10. Chisungo cheGumi
Munhu wese anofanirwa kuwana mukana wakaenzana uri pachokwadi wokumira
pamberi pedare remhosva rakasununguka, risinadivi rarinorerekera, apo kodzero
yake nezvaanotarisirwa kuti aite zvinenge zvichivhenekwa, uyewo kana achinge
achipomerwa mhosva ipi zvayo.
11. Chisungo cheGumi nemwe