enyika mushure mokuita mabasa anotyora zvinangwa nemitemo
yeMubatanidzwa wenyika dzepasi pose.
15. Chisungo cheGumi neShanu
1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nenyika yaanobva.
2. (Chechipiri) - Hapana munhu achashaiswa nyika yake yaanogara kana
kurambidzwa kuenda kundogara kuneimwe nyika.
16. Chisungo cheGumi neNhanhatu
1. (Chekutanga) Vanhurume nevanhukadzi vabvezero, vanekodzero
yokuroorana nokuumba mhuri, pasina kudziviswa nokuda kwerudzi, nyika
yechizvarwa kana svondo yavanopinda. Vanhu ava vanekodzero
dzakaenzana munyaya dzezvekuvaka imba, pakuchata nemukuparadzwa
kwawo.
2. (Chechipiri) - Wanano ichaitwa chete kana paine tenderano yakakwana
pakati paavo vanoda kuwanana.
3. (Chechitatu) - Mhuri ndiyo musimboti womubatanidzwa unokosha
mumusha uye inekodzero yokuchengetedzwa omene.
17. Chisungo cheGumi neChinomwe
1. (Chokutanga) - Munhu wese anekodzero yekuita pfuma ariega kana kuti
akabatana nevamwe.
2. (Chechipiri) - Hakuna munhu achatorerwa pfuma yake.
18. Chisungo cheGumi neSere
Munhu wese anekodzero yorusununguko mupfungwa, mumaonero,
nemumanamatiro ake; kodzero iyi inobatanidza rusununguko rwokuchinja
svondo kana mafungiro, zvekare kuva norusununguko pachake kana navamwe,
pachena kana muchivande, rwokunamata kana rwomumafungiro ake