muzvidzidziswa, kuitwa kwazvo, munamatirwo kana mumacherechedzerwo azvo. 19. Chisungo cheGumi nePfumbamwe Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwemaonero ake pasina kukanganiswa, rwekutsvaga, rwekuudzwa kana rwekuzivisa mashoko nemafungiro neipi zvayo nzira zvisineyi nezvemiganhu yenyika. 20. Chisungo cheChimakumi maviri 1. (Chekutanga) Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwokusangana nokuvanamwe murunyararo 2. (Chechipiri) - Hapana munhu anofanirwa kumanikidzwa kuvenhengo yeripi zvaro bato. 21. Chisungo cheChimakumi maviri nemwe 1. (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokubatsira mukutongwa kwenyika yake, pachake kana kuburikidza nekuvamiriri vakasarudzwa zviri pachena. 2. (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yakaenzana yokushandira hurumende yomunyika yake. 3. (Chechitatu) - Zvido zvevanhu ndizvo zvchava musimboti wemasimba okutonganawo hurumende: zvido izvi zvicharatidzwa nguva nenguva nesarudzo iri pachokwadi iyo ichange ichizoitwa nomunhu wese anekodzero yokuvhota, sarudzo iyi ichaitwa vanhu vakasununguka uye zvisina kubiridzira . 22. Chisungo chechimakumi maviri nembiri Munhu wese, senhengo yorudzi, anekodzero yokuwana magariro akanaka, uye anofanirwa kuwana kubva mumushandira pamwe wenyika dzepasi pose

Select target paragraph3