Munhu wese anofanirwa kugara muruwa nemunyika umo munozova
nokucherechedzwa zvakakwana kwekodzero norusununguko sekutaurwa
kwazvakaitwa mukurudziro ino.
29. Chisungo chechimakumi maviri nepfumbamwe
1. (Chekutanga) - Munhu wese ane zvinhu zvaanofanirwa kuita munzvimbo
maanogara umo munozoita kuti iye pachake, agone kuzvisimudzira
akasununguka pahunhu hwake zvakakwana.
2. (Chechipiri)- Achishandisa kodzero dzake norusununguko rwake munhu
wese achavanomwero wakatarwa nomutemo chete, ndokunge izvi
zvichiitirwa kupa cherechedzo noruremekedzo rwunodiwa kukodzero
norusununguko rwunodiwa rwavamwe nokuita zvido zvevanhu.
3. (Chechitatu) - Kodzero iyi norusununguko urwu hazvigone kushandiswa
nenzira inotyora zvinangwa nedonzvo reMubatanidzwa weNyika dzepasi
pose.
30. Chisungo chechimakumi Matatu
Hapana chinhu chiri mukurudziro ino chichazotsanangurwa sechinoreva kuti
chero ipi zvayo nyika, bato, kana munhu pachake, anekodzero yokuita mabasa
kana zviito zvinopwanya ipi zvayo kodzero kana rusununguko zviri mukurudziro
ino.
KURUDZIRO YEKUCHENGETEDZVA KWEKODZERO DZEVANHU PASI
POSE
Nezuva reGumi munaZvita mugore ra 1948 Gungano roMubatanidzwa weNyika
dzepasi pose rakasarudza ndokuzivisa "Nezvekurudziro yekuchengetedzva
kwekodzero dzevanhu pasi pose". Mashoko akakwana ari mumashizha
anotevera muchinyorwa chino. Mushure meichi chiitiko chinokosha, Gungano
roMubatanidzwa weNyika dzepasi pose rakakumbira nyika dzose dzinova
nhengo kuti dzishambadzire zvinyorwa zve Kurudziro ino, kuitira kuti zvinyorwa